hatidi kurohwa: vana

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
hatidi kurohwa: vana

Kwayedza

— ‘Tinoda kutsiurwa bedzi’
— ‘Isu takakura tichirohwa’

Muchaneta Chimuka —
VANA, vabereki nemamwe masangano anomiririra varairidzi muzvikoro vari kutambira zvakasiyana mutongo wakaturwa nedare reHigh Court wekuti vana havachatenderwa kurohwa zvachose, kungave kudzimba dzavo kana kuchikoro.

Svondo rapera, mutongi wedare reHigh Court – Justice David Mangota – vakapa mutongo wekuti vabereki nematicha havafanire kurova vana, kunyangwe vachiita misikanzwa.

Izvi zvinotevera nyaya yakaendeswa kudare iri negweta, VaTendai Biti, muna Chikumi gore rapera vachimirira mubereki ane mwana akarohwa kuchikoro nemurairidzi wepaBelvedere Primary School, muHarare.

Kwayedza svondo rino yakatsvaga zvinofungwa neveruzhinji munyaya iyi ikanzwa mavhu nemarara, vamwe vabereki vachiti vana vanofanira kuramba vachirohwa kana vaita misikanzwa asi ivo vana vacho vanoti hakuna zvakadaro, havadi kurohwa.

Tanyaradzwa Wiridza, uyo ari muGrade 6 paSeke 8 Primary School, anoti haadi kurohwa – kungave kumba kana kuchikoro.

“Ini hangu zvekurohwa handidi, kumba nekuchikoro. Kundirova hakuna zvakunochinja upenyu hwangu, kana hunhu hwangu asi kuti kurwadzisa nyama chete. Kana ndiri dofo, chero ndikarohwa hapana chinochinja,” anodaro.

Mashoko ake anotsigirwa naNatasha Hodza, uyo ari muGrade 7 pachikoro chimwe chete ichi, achiti pachikoro pavo vana vachiri kurohwa nevarairidzi zvisinei nemutongo wakapihwa nedare uyu.

“Isu tichiri kurohwa nechirabha. Tinorohwa kana tikaita ruzha kana kutadza zvidzidzo muchikoro,” anodaro

Vamwe vana vepaRoosevelt Girls High, muHarare, vanoti kuchikoro kwavo vakagara havarohwe.

Mumwe wevana ava, Patience Tabvei (16), anoti vanofara nekusarohwa kwavanoitwa.

“Kuchikoro kwedu hatirohwe nekuti misikanzwa yacho hatinyanye, tinotsiurwa nemuromo chete,” anodaro.

Takudzwa Makaya (17), wekuMt Pleasant, anotiwo kuchikoro vanorohwa izvo zvaanoti zvinoita kuti vadzidze nesimba.

“Kuchikoro kwedu tinorohwa uye pamwe pacho tinonzi timhanye kutenderera nhandare yechikoro kagumi kana tanonoka kusvika kuchikoro,” anodaro.

Chamangwiza wesangano rinomirira varairidzi, reZimbabwe Teachers Association (Zimta), VaSifiso Ndlovu, vanopembedza danho rakatorwa nedare reHigh Court rekurambidza kurohwa kwevana, kungave kumba kana kuchikoro.

“Tinovarovera mawoko vabati vemutemo nedanho ravakatora rinoita kuti vana vachengetedzeke. Kurohwa kwevana hakuna kunaka nekuti kunovadzikisira chimiro nekuvapa marwadzo makuru munyama dzavo.

“Zvikoro nevabereki vanofanira kutsvaga dzimwe nzira dzekuti vana vapinde mugwara pasina kuvarwadzisa kana kukonzera mavanga mavari. Kune nzira dzakawanda dzekudzora nadzo vana pasina kuvarova,” vanodaro.

Madzibaba Precious Nyaunga (51) vechechi inonzi Uridhavhiya iri kuChitungwiza, vanoti vana vanofanira kurohwa kuti vapinde mugwara.

“Kana bhaibheri rinotaura kuti vana vanofanira kurangwa neshamhu pavanenge vatadza. Zvino kana mutemo wave kuti tisarange vana vedu, zvinoreva kuti nyika ino ichava yevana vanopara mhosva nekuti vanokura vasina anovadzora. Ko, kana ndikarova mwana wacho ndikaendeswa kujeri anosara achidyei ini ndiri muriritiri? Hamuoni kuti vatongi vakatura zvisiri izvo imi?” vanodaro.

Vanoti ivo vakakura vachirangwa neshamhu izvo zvakaita kuti vave nehunhu.

Mai Sekai Mutaringo (22) vekuKuala, mumugwagwa unobatanidza Harare neChitungwiza, vanotsinhira vachiti: “Mwana anorohwa kana achinge atadza nekuti kune vamwe vanenge vachitoda kumisidzirana nevabereki vachitukirira kunge vakagarwa nemweya yetsvina.

Zvino semubereki, unodawo chinzvimbo chako.

“Asiwo ngatirovei vana neshamhu zvine mwero uye ngatirovei tisina kutsamwa.”

VaTigere Maminimini (26) vekuChitungwiza zvekare vanoti semubereki, vanofanira kurova mwana wavo.

“Mitemo yamuri kutaura iyi ndinoona yakashata patsika dzedu sevanhu vatema, zvava zvechiRungu izvi. Ndakatonzwa marimwezuro kamwana kangu kane makore matatu kachiti, ‘Baba handichafaniri kurohwa’. Vangakura vaine gwara here vana kana tikavarera muchipunu seshuga?” vanodaro

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioner’s Association (ZNIPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti pasichigare vana vairohwa uye izvi zvaibatsira mukuumba hunhu hwavo.

“Isu takakura tichirohwa asi hatina kufa uye taitorohwa kana nevanhu vemuraini kana vachinge vaona kuti tatadza. Vabereki vedu vaitofara nazvo nekuti kune tsumo inoti mwana wemumwe mwana wako,” vanodaro.

Makore mashoma adarika, munyaya yakasiya vakawanda vachigunun’una, mumwe murairidzi wepachikoro chiri kuChinhoi akarova mwana wechikoro akabva afa.

Kune vamwe vabereki vari kurova vana zvakanyanya vachikuvara kana kurasikirwa neupenyu.

Bepanhau redu reThe Manica Post svondo rapera rakaburitsa nyaya yemukadzi akamiswa mudare reMutare Magistrates’ Courts mushure mekunge arova mwanasikana wemurume wake netambo yemagetsi akakuvara zvakanyanya.

Mutongi wedare iri, Innocent Bepura, akatemera mudzimai uyu – Evermary Muchinganwa (32) – chirango chekunofondoka kwemaawa 240 paDangamvura Clinic, mushure mekumubata nemhosva yekurova mwana uyu zvakanyanyisa.

Muimwewo nyaya, Kwayedza ine vhidhiyo inosiririsa zvikuru – iyo iri kutenderera paWhatsApp – inoratidza vana vechikoro vari kuzvambaradzwa kurohwa nevarairidzi vavo apo mukuru wechikoro anenge akatarisa. Zvisinei, Kwayedza haina kukwanisa kuziva kuti vhidhiyo iri rakatorwa kupi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey