Uncategorized

Hatidi mhirizhonga: Nyoni

15 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
GURUKOTA rebazi rezvemadzimai nevechidiki, Cde Sithembiso Nyoni, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa kumbunyikidzwa kwevanhukadzi nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kubatwa chibharo, izvo zvinovaisa panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV nekupihwa pamiviri pasina kurongeka.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera pazuva rekuparurwa kwechirongwa chekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi, che16 Days of Activism Against Gender Based Violence.

“Ndinotenda zvikuru sangano reMusasa Project nekuronga musangano uyu. Ndinofarira kushanda nemadzimai ekumaruwa nekuti vanosangana nematambudziko akawanda kana tichienzanisa nevanogara mumaguta. Matambudziko aya anosanganisira kushaya mari kana mabhizimusi ari mumazita avo, zvipatara zviri kure uye havana anovatsigira mumabhindauko avanoita muupenyu akadai sekusona, kurima nezvimwe,” vanodaro Cde Nyoni.

Vanoti kushungurudzwa kwemadzimai nevanasikana kunokanganisa zvakawanda kusanganisira kuderedza kusimukira kweupfumi hwenyika.

“Kana ukashungurudza mudzimai nenzira ipi zvayo, unenge washungurudza nyika nekuti zvinoderedza budiriro. Zvinorwadza kunzwa kuti kune mamwe madzimai nevanasikana vari kuramba vachibatwa chibharo zvinova zviri kuvaisa panjodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV kana kupihwa pamuviri pasina kurongeka.

“Saka zvakakosha kuti veruzhinji vabatane mukurwisa kushungurudzwa kwevanhukadzi,” vanodaro. Gore rino, mhemberero dze16 Days of Activism Against Gender Based Violence dzakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kubva kurunyararo rwekumba rwuchienda munyika: Kupa mukana nenzvimbo yakanaka kumadzimai nevanasikana”.

Cde Nyoni vanoti nyaya dzemhirizhonga hadzisi kuitika kumadzimai bedzi asi kunyangwe nekuvarume.

“Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Demographic and Health Survey (2015) inoratidza kuti munhu mumwe chete pakati pemadzimai matatu vasati varoorwa vane makore ekuberekwa 15-49 vakatombosangana nemhirizhonga yekurohwa kana kumbunyikidzwa nenzira yepabonde nemudikani,” vanodaro Cde Nyoni.

Cde Nyoni vanotenda Hurumende nekutsigira zvirongwa zvekurwisa mhirizhonga pamwe mitemo inoranga vapari vemhosva idzi zvakaomarara.

“Chirongwa cheZero Tolerance 365: National Programme on GBV Prevention and Response 2016-2020 chakaiswa neHurumende kuti chinge chichirwisa nyaya dzemhirizhonga, kusanganisira mutemo weDomestic Violence Act,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wesangano reMusasa Project, Mai Netty Musanhu, vanoti vamwe vanhukadzi vanotizira kwavari mushure mekumbunyikidzwa. “Madzimai anenge ambunyikidzwa kodzero dzavo nenzira yechibharo, kurohwa nezvimwe tinovachengeta kwekanguva kumisasa yedu vakamirira kuti nyaya dzavo dzigadziriswe. Panguva yekuvachengetedza iyi, vamwe vanouya nevana vavo saka mutoro wekuvachengeta unokura. Vana vanenge vachida kuenda kuchikoro asi hatisi kuzvikunda nekuda kwekushaya rutsigiro rwemari,” vanodaro.

Sadunhu Arkshow Mupariri vekuNemhari, kwaMambo Nyashanu, kuBuhera vanoti vanotonga nyaya dzakawanda dzemhirizhonga asi zhinji dzacho vanodzipfuudza kumapurisa kuti dziferefetwe kusvikira dzaenda kumatare edzimhosva.

“Madzimai mazhinji haana simba mumisha yaanoroorwa nepamusana pekuti havana pfuma iri mumazita avo. Havakwanisi kukwereta mari dzekuita mabhindauko kumabhanga uye vanenge vasina zvibatiso zviri mumazita avo, ndiko kusaka nyaya dzemhirizhonga dzichiramba dzakavamomotera nekuti kazhinji vanopona nekukumbira mari kana zvekudya kunanababa,” vanodaro.

Zvakadai, sangano reChild-line rinoti vana vari kusangana nenyaya dzemhirizhonga vakasununguka kufona paToll Free nhamba dzinoti 116 kuti vabatsirwe pachena.

Share This:

Sponsored Links