Uncategorized

Hatidi tsaona Kirisimasi ino

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Hatidi tsaona Kirisimasi ino

Kwayedza

NGUVA iya yezororo reKirisimasi iyo inofarirwa nevazhinji yasvika. Vashandi vakawanda vanofarira nguva iyi nekuti ndipo pavanowana mukana wakareba wekuzorora. Kune vamwe vashandi zvakare vanobva vabatanidza zororo iri kusvika pagoredzva zvichireva kuti vanenge vaine nguva yakareba yekuonana nehama neshamwari.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vakawanda vachabvakacha nguva ino. Mukufamba ikoku, zvakakosha kuti veruzhinji vafambe nguva ichiripo kuitira kuti vasazomhanye-mhanye nguva yapera. Kana veruzhinji vakafamba nguva ichiripo, zvinovabatsira kuti vaite nzendo dzavo zviri nyore.

Kune vamwe vemabhazi nevemakombi vanotora mukana wezororo uyu kuti vakwidze mari dzezvekufambisa inova tsika isina kunaka zvachose. Mari iri kunetsa zvikuru kuiwana munyika muno nekudaro ha- zvina kunaka kuti vane dzimotokari nemabhazi anotakura veruzhinji vaomesere vachafamba nekukwidza mari.

Chavanofanirwa kuita bedzi kuona kuti mabhazi kana motokari dzavo zvakakodzera kunge zviri mumigwagwa kuitira kudzivirira tsaona. Panguva ino, gore roga-roga kunoitika tsaona dzemumigwagwa idzo dzinokonzera kukuvara nekurasikirwa kweupenyu hwevanhu.

Semuenzaniso, gore rapera kubva pazororo reKirisimasi kusvika mugoredzva kwakafa vanhu 130 munjodzi dzemumigwagwa munyika yose kana zvichienzaniswa ne102 vakafa muna 2015.

Ongororo yakaitwa nemapurisa pamwe nevesangano rinoona nezvekufamba kwakanaka mumigwagwa, reTraffic Safety Council of Zimbabwe inoratidza kuti zhinji dzetsaona idzi dzakakonzerwa nekusatevedza kwevamwe vatyairi mitemo yekufamba mumigwagwa.

Zvimwe zvinokonzera tsaona zvinosanganisira kumhanyisa mota, kutakura zvakadarikidza mwero unodiwa nekupindira dzimwe mota panzvimbo dzakadai sepamakona kana kuti apo mutyairi anenge asingaone zvakanaka zviri mberi kwake.

Pane vamwe vanotyaira mota vakadhakwa, izvo zvinogona kukonzeresa tsaona. Zvakakoshawo kuti vedzimotokari vafambe kunze kuchakachena sezvo ongororo yakaitwa nesangano reTSCZ inoratidza kuti njodzi dzakawanda dzinoitika husiku nekuda kwekuti vamwe vatyairi vanenge vasingaone zvakanaka.

Munguva ino yekunaya kwemvura, dzimwe nzizi dzinogona kuzara zvinoita kuti motokari kana mabhazi atadze kudarika.

Pakadai apa vatyairi vanofanira kuchengetedza upenyu hwevafambi nekumirira kuti mvura iserere kana kushandisa mumwe mugwagwa unenge usina njodzi yemafashamu.

Vafambi vanofanira kusiyanawo netsika yekukurudzira vatyairi kuti vayambuke nzizi dzinenge dzakazara nemvura pamwe nekuti vamhanye zvakadarikidza mwero. Zvakadai, kune vamwe vanofarisa panguva ino yezororo izvo zvinopedzisira zvavapinza muna taisireva.

Kana ngoma yoririsa inenge yave kuda kupaduka nekudaro veruzhinji vanofanira kuti fare-fare tindike. Tinokushuvirai zororo reKirisimasi rakanaka.

Share This:

Sponsored Links