‘Hatimborambana, sungira imbwa yako’

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
‘Hatimborambana, sungira imbwa yako’

Kwayedza

nyundoDaphne Machiri
VAMWE vakadzi vaviri vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare vachirwira murume apo mumwe nemumwe aiti ndewake.Ruth Jenga ndiye ainge aendesa Michelle Amulli kuHarare Civil Court. Jenga akataurira dare kuti agurwa kunorira nehunhu hwaAmulli. “Mukadzi uyu ipfambi, anodanana nemurume wangu. Dzimwe nguva anondichaira nhare nekutumira mufananidzo paWhatsApp akarara nemurume wangu achitaura mashoko akawora. Achiti, ‘ndini ndinaye kuno’.

Amulli akati Jenga ane godo naye sezvo vaviri ava vari pabarika. Akati: “Iwe, ini handina kubvira ndapfimba mururme wako kana kumutsvaga asi kuti ndiye akauya kwandiri ega achitoti iwe wacho hauchamuitire. Saka ane imbwa ndeyake, gara wakaivharira kana kusungirira. Mutongi Babra Masinire akati Amulli arege kushungurudza Jenga nenzira ipi zvayo uye akazvidza mutongo wedare aizosungwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey