Hatina mapuromota etsiva: zbbc

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Boxing Board of Control rakazivisa kuti parizvino hapana mapuromota etsiva ati apihwa marezinesi kuti akwanise kuronga mitambo yakasiyana izvo zvinove zviri kudzosera mutambo uyu kumashure. Achitaura svondo radarika pamusangano wakaitwa neZBBC nevatori venhau muHarare, mutevedzeri wasachigaro weZBBC Lorraine Muringi akati gore radarika sangano iri raive nemasangano matatu akapihwa marezinesi ekupuromota mutambo uyu asi pakupera kwegore iri haana kuzonyoresa patsva.

Muringi akati pamasangano aya matatu, veDeltaforce Boxing Trust vakatorerwa rezinesi ravo mushure mekunge vakundikana kubhadhara chikwereti cheUS$302 yemutambo wavakaronga gore radarika.

Muringi akati kushaikwa kwemapuromota akawanda kuri kukanganisa  kusimukira kwemutambo uyu izvo zviri kukonzera kuti vatambi vazhinji vadye nhoko dzezvironda.

“Hatina mapuromota etsiva muno gore rino izvo zvinove zvinosuwisa zvikuru nekuti zvinodzorera mutambo uyu kumashure.
“Taive nemapuromota matatu gore radarika asi mumwe wacho takamutorera rezinesi rake uye vamwe vaviri havana kumbouya kwatiri vachinyoresa patsva kuti vanoda marezinesi matsva zvinova zviri kudzikisa mutambo uyu nekuti vatambi vetsiva vemuno vanofanirwa kugara vachikwikwidza kuitira kuti pavanozoenda kunze uko vanenge vakagwinya.

“Zvinosuwisa kuti mumwe puromota ari kukundikana kubhadhara US$302 chete-chete yemutambo waakaronga gore radarika saka takamutorera rezinesi rake parizvino,” akadaro Muringi.

Zvakadaro, munyori weZBBC, Gilbert Munetsi akati vari pakati pekuongorora mamwe masangano maviri ayo akanyorera kwavari achiti anoda marezinesi ekupuromota mutambo uyu.

“Tine masangano maviri mamwewo ayo akanyorera kwatiri kuti anoda marezinesi ekupuromota mutambo uyu.
“Takapedza kuvaongorora saka munguva inotevera kana tikapedza kutarisa zvese zvinodiwa tichavapa marezinesi avo,” akadaro Munetsi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey