‘Hatingopusha broom bedzi, kana varume . . .’

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Hatingopusha broom bedzi, kana varume . . .’ Bybit Chiedza Zimanya

Kwayedza

Sisi vebasa vanopinda mu’bedroom’ here?

Handidi nemubhedha wangu’
‘Mbudzi inodya payasungirwa’

‘Ukandifinhura ndinominura’

Kingstone Mapupu
VASIKANA vanoshanda mabasa emumba vagara vanobatwa zvakasiyana-siyana. Vamwe vanonzi vanobatwa huyanga, vamwe vanongoonekwa kunge vana vepamusha pavanoshanda zvichingodaro.

Kunewo nyaya dzevasikana vebasa avo vanonzi vanoguma vodanana navanababa vepavanoshanda — vamwe vacho vachitozoroorwa semadzimai echipiri pabasa pavanenge vachishandira.

Mumwe musikana anoti, “Ndingadii iwo mukana wacho ndaupihwa wese? Mamwe madzimai anonyanya nungo, kubva atisiira zvose vachiti hatina zvatinoziva, saka tinoguma tavaratidza kuti tinozvigonawo, hatingopusha mutsvairo bedzi. Tinobva tavatorera varume vavo.”

Hanzi mbudzi inodya payakasungirirwa.

Pane dzimwewo nguva, kudanana kwevasikana ava nanababa kunoguma kwaita kuti vamwe varume varambe madzimai avo vachisarudza kugara kana kuroora vashandi ava.

Kune zvikonzero zvakawanda zvinopihwa pamusoro penyaya iyi.

Hanzi mamwe madzimai anobva anyanya kusiira zvose kuvasikana vebasa — kuwacha mbatya dzemukati dzevarume vavo, kubikira varume vavo, kusiya vasikana vebasa vachipinda nekuwaridza mubhedhuru, kufamba rwendo kwemazuva vachisiya baba nemusikana vari voga, nezvimwe zvakangowanda.

Kunotova nevamwe varume vanonyunyuta vachiti madzimai avo haana zvaachaita pamusha – zvose zvave kungonzi, “Sisi itai!” Zvino vamwe vasikana vanobva vatora mukana uyu, bhedhuru robva raita ravo.

Izvi zvinobva zvaunza mubvunzo wekuti musikana anoshanda basa remumba anofanira kugumira papi? Anopinda here mubhedhuru rababa naamai vaanoshandira achitsvaira, kungava kurongedza kana kuwaridza mubhedha?

Kozoti, ndiyani pakati pababa naamai anofanira kutsvaga musikana webasa? Ko anomutambirisa nekumupa mitemo yepamba? Amai vakange vachitsiura kana kutuka musikana webasa, baba vanofanirwa kupindira here? Vari kudivi raani?

Ko zvekuti musikana webasa anongopfekawo mbatya dzake — dzingava mini — iye ari pabasa?

Kana kuti anotengerwa migubvururu yemayunifomu.

Zvakawandisa!

Kwayedza yakazvitsvaga ikanzwa mavhu nemarara.

Mai Nyarai Nyakuritsika (53) vepaTrafford Court, kuBelvedere, muHarare, vanoti ivo havana mutemo wekuti musikana wavo webasa anopinda muimba yavo yekurara.

“Kune vamwe vanoda kuti vasikana vebasa vapinde mudzimba dzavo dzemukati, kwete ini. Iyi imba yangu nemurume wangu, apo neapo anopinda achitsvaira asi mubhedha wangu ndinogadzira ndoga nekuti ndiwo wandakavinga.

“Zvino ukawaridzwa nemumwe mukadzi zvinorevei?” vanodaro Mai Nyakuritsika.

Vanoti vakarega musikana webasa achipinda oga muimba yavo yekurara kureva kuti yatofumuka, haisisina chiremerera.

“Musikana kana achitsvaira anozviita ndiripo kwete kuti oga nekuti tine zvinhu zvedu zvakavanzika zvisingafanirwe kuonekwa nemushandi uyu. Panyaya yekuwacha mbatya dzangu nedzababa, ndinonyanya kuita ndoga nekuti ndakaroorwa kuzova mubatsiri wemurume wangu kwete kuitirwa basa iri nemusikana webasa.

“Kubika ndinobikira murume wangu ndoga, kwete kuti anzwe kunaka kwechikafu chabikwa nemusikana. Ko akazonditi musikana anobika kundidarika, ini ndichati kudii? Unosiiwaka nemurume nekuti vamwe vacho vasikana vebasa vanoshereketa – vanozvinzwa,” vanowedzera Mai Nyakuritsika.

Vanoti ivo vanokiya imba yavo yekurara pavanobvakacha umo munovhurwa nababa chete kana vadzoka kubasa.

“Musikana anorara nevana vangu vasikana kana varipo, kana vasipo anorara muimba yake uyewo anodya zvatinodya nekugeza nesipo yedu semwana ari pamba.”

Mbuya Enniffer Zhanje (74) – avo vanoshanda mabasa emudzimba – vanotiwo musikana webasa haafanirwe kuwanikwa ari muimba yekurara yevaanoshandira.

“Tinoda kutevedzera tsika dzedu sevanhu, musikana webasa anogumira kune dzimwe dzimba kwete kupinda muimba yekurara. Kuwacha nemamwe mabasa zvinoitwa nemusikana zvichifambirana nezvinodiwa nevaanoshandira,” vanodaro.

Asi musikana anongoda kuzivikanwa saShami uyo anoti anoshandira murume nemukadzi vachangobva kuroorana anoti zvimwe zvacho vashandirwi ndivo vanozvitsvaga.

“Nyaya yekuti vanaamai vatinoshandira vanotiona semabharanzi ndiyo inotibhowa. Manje tinozovatorera varume vavo — tinenge tichida kuvaratidza kuti ndisu tine yese, ivo vapera basa.

“Zvakaita seni ini, ukandibatawo nekunze kweruwoko ndinodzosera, ndinongodanana navo daddy iwe uripo. Chinonetsa chii, handiti vamwe vakadzi vanotisiya pamba tiine varume vavo? Ndinomupfekera kamini zvikashaya basa. Varume vana vadiki ava, anoswera oda ini achisiya waakachata naye . . . inini bharanzi,” anodaro Shami achivhara chiso kuti asatorwe mifananidzo.

“Hatingogona kupusha

mutsvairo bedzi, kana varume tinogonawo kuvabata zvakanaka. Vamwe vakadzi vanobva vanyanya kusiira zvese kuti vasikana vebasa vaite. Zvino mbudzi inodya payakasungirwa,” anodaro Shami asina kana nyadzi.

Kuchiti Bybit Chiedza Zimanya (36), uyo anoshanda mumba mumugwagwa waCardiff kuBelvedere, anoti paanoshanda hapana mitemo yakawanda uye anobvumidzwa kupinda muimba yekurara yevaridzi vemba.

“Ndinopinda muimba yavo yemukati ndichitsvaira, ndini ndinobika uyewo ndinodya navo chikafu chandinobika. Mbatya ndinowacha dzaamai nedzababa dzekunze chete, kwete dzemukati asi dzevana ndinowacha dzose,” anodaro.

Anoti akapinzwa basa nababa vepamba apa avo anotaurirana navo zvose zvinosanganisira mari yaanotambira nemazuva ekuzorora.

“Baba ndivo vakandipinza basa, ndivo vanotaura naamai. Ndinorara nevana vavo uye kana baba vasipo, ndorara pamwe chete naamai,” anodaro.

Zimanya anoti haafarire kupfeka yunifomu yebasa izvo zvaanoti zvinomudzikisira zvikuru.

“Ini handisi comfortable nekupfeka mbatya dzehuhouse girl, zvinondikanganisa. Ndinoda kupfeka dzangu. Woti paunenge uchifamba hanzi ‘neni uyo’ hamuone kuti hazviitewo.

“Ini ndakawirirana nevandinoshandira kuti handidi yunifomu,” anodaro.

Anoti anobvumidzwa kuunza mwana wake pabasa.

“Kutsvaga basa kuedza kuriritira vana vedu nedzimwe hama. Zvino ndonzi vana vako havasvike pano, kureva kuti newe wacho haudiwe.”

Anoenderera mberi achiti, “VaRungu vedu ngavasatinyima kudya vachitisiira chikafu chevana vavo chete. Utsinye hwavanoita kwatiri ndiwo hwatinozosara tichiitira vana vavo sezviya zvinonzi musikana webasa anodyisa vana tsvina nekuvadyira poriji ravo. Ivo vatinoshandira ndivo vanotanga. Asi ini ndinogara zvakanaka,” anodaro.

Mbuya Dorothy Gore (66) vanoti musikana wavo webasa vanomubata semwana wavo, anodya chavanodya nekurara nemhuri yavo.

“Ndini ndinomupinza basa ndomupa mutemo baba vakanyarara.

Mbatya dzangu nedzababa dzemukati nedzekunze ndini ndinowacha uye kana ndakundikana anowacha dzekunze chete nedzevana dzose,” vanodaro.

Muimba yemukati, vanoti havadi kumuonamo zvachose izvo zvavanoti kusvika nanhasi musikana wavo webasa ari kutevedza.

Idah Marambire (48) – uyo anoshanda mumba muHarare – anoti hapana imba yaasingapinde.

“Ndakapinzwa basa naamai uyewo ndinowirirana navo nemhuri yose zvikuru. Muimba yavo yekurara, ndinopinda ndichitsvaira nekuwaridza mubhedha pasina dambudziko.

“Amai vanonyanya kunoshandira kunze, hapana dambudziko riripo, tv ndinoona tichidya tose, ndine cottage yangu,” anodaro.

Anoti chekutanga, musikana webasa anofanira kuwirirana naamai vepamba paanenge achishanda uye osiyana nezvekuda kukwikwidzana navo pamurume wavo.

“Yunifomu ndinoida nekuti inoita kuti ndichengetedze mbatya, ndivo vanotenga zvose kusanganisa nematights emukati nematennis acho. Kusada yunifomu unotyeiko?” anodaro.

Marambire anoti vaye vasikana vanoguma vave kudyisa vana vavanochengeta tsvina nekuvanyima chikafu zvinofambirana nemagariro avanenge vachiita nevavanoshandira.

“Musikana ngaatsvagwe naamai nekuti tine nyaya dzatinoziva dzevakadzi vakaunzirwa madzimai echipiri vachinzi vasikana vebasa.

“Zviya zvekuti pasofa hapagarwe tinozvinzwawo kune vamwe,” anodaro.

Misheck Gumira (41) anoti musikana anotsvagwa naamai kwete nababa nekuti akauya nababa panomuka kufungirana.

“Mukadzi kana asingaende kubasa handione chikonzero chekutsvaga musikana. Zviyewo zvekuita musikana webasa mukadzi kupenga, kana wada enda unoitira kure vakadzi vanopera here?” anodaro.

VaGivemore Matanhire (50) vekuChitungwiza vanoti musikana webasa anopinzwa basa naamai.

“Musikana webasa haadiwe mubedroom mevaanoshandira asi ngaabatwe semwana wepo. Zvose ngaataure naamai,” vanodaro.

Kuchiti Mai Virginia Malunga (38) vanoti hakuna musikana webasa anofanirwa kupinzwa basa nababa.

“Musikana webasa anopinzwa basa naamai, mukomana wemombe anopinzwa nababa. Mukomana wemombe kana wemugadheni akauya naamai munofunga kuti panobuda chakanaka? Asiwo vamwe vasikana vebasa vanobata-bata,” vanodaro.

 

 

Share This:

Sponsored Links