Hatitye: Herentals. . . tauya zvachose

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Hatitye: Herentals. . . tauya zvachose Kudakwashe Remba

Kwayedza

Abel Ndooka
ZVIKWATA zvichangopinda muPremier Soccer League – Herentals Football Club neNichrut FC – zvinoti zvicharwa zvimire kuti zvisaburitswe muligi iri pakupera kwemwaka wenhabvu uye hazvizi kuzovhunduka kusangana nezvikwata zvikuru.

Herentals Football Club neNichrut FC zvakapinda muPSL mwaka uno pamwe nezvimwe zviviri zvinoti Bulawayo Chiefs neMutare City.

Svondo radarika, zvikwata izvi zvose zviri zvina    zvakatamba mitambo yazvo yekutanga muPremier League.

Kwayedza svondo rino yakakurukura neHerentals pamwe neNichrut ichikuda kunzwa kuti zviri kutarisirei mwaka uno muPSL.

Blessing Majaria

Governor of Herentals FC, Kudakwashe Remba, anoti kupinda kwakaita chikwata chavo muPSL kunorakidza kuti basa ravaibata kwemakore matatu adarika muDivision One rainge riri repamusoro uye vari kutarisira kurwa kuti vagorambe vari muligi iri.

“Kusvika patave pano kunorakidza kuti ukashanda nesimba unoyemurwa basa rako uye ndizvo zvatiri kuona nhasi chaiye. Takabva kure tichishanda nesimba uye nhasi zvave kubhadhara,” anodaro.

Kunyangwe hazvo Herentals yakakundwa 2-0 mumutambo wayo wekutanga wePSL neNgezi Platinum, Remba anoti mwaka uno chikwata chavo chichange chichidzidza uye chichivaka zvakasimba kuzoitira kurwira mikombe yakawanda mwaka inotevera.

“Isu tauya kuzodzidza mwaka uno uye tichigadzirisa kuti tirambe tiri muPSL kwemakore akawanda anotevera.

“Kubva gore rinotevera, bhora richange rave kutsva manje asi iye zvino handikwanise hangu kudura zvatiri kuronga,” anodaro Remba.

Kunyangwe hazvo Remba achiti chikwata chavo chine vatambi vakawanda vane tarenda, vari kutarisira zvikuru kuti vatambi vakaita saBlessing Majarira, Achmore Majarira, Byton Majarira, Innocent ‘IB9’ Benza naTinotenda Benza vachaita zvinorova.

Blessing gore radarika akashevedzwa naSunday Chidzambwa kuenda nechikwata chenyika chemaWarriors kumutambo weCosafa Castle Cup kuSouth Africa uye akanwisa mumutambo wake wekutanga apinda sesabhu.

Kozoti Tinotenda aive muchikwata chaMoses Chunga chakaenda kumutambo weCHAN Under-17 gore radarika apo aive kaputeni wechikwata ichi.

Nichrut FC – iyo iri kurairidzwa naJohn Nyikadzino – mumutambo wayo wekutanga svondo rapera yakakunda Mutare City Rovers 1-0.

Nyikadzino anoti Nichrut iri kurwira kuti irambe irimo muligi iri kunyangwe zvikanzi yapedza yakagara pechi12 palog.

Apo mwaka wegore rino uchangotanga uye mitambo ichiuya yakawanda, Nyikadzino anoti chikwata chake hachisi kuzovhunduka uye vacharwa vamire kuti vagotariswa pane mimwe mikono yemuPSL.

“Matapinda muPSL muno ndimo medu chaimo, tauya zvachose uye tinoda kuramba tiri muno.

“Chinangwa chedu kuti tigare zvachose muno saka ndizvo tiri kushanda zuva nezuva kuti zvikwanisike kuitika. Hapana chinotikundisa kuzviita nekuti mukana wacho uripo kuti zviitike,” anodaro.

Nyikadzino anoti chikwata chake hachisi kuzovhunduka kusangana nezvimwe zvinosanganisira Dynamos, CAPS UNITED kana Highlanders nekuti vakapinda muPSL vachiziva kuti vachanosangana nazvo.

“Hatingatarise mazita kana tave kusangana nezvikwata izvozvo ndipo tichafunga nezvazvo. Iye zvino svondo rino tiri kusangana neChicken Inn iyo yakambohwina PSL saka ndiyo yatiri kugadzirira kuti tisangane nayo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti haakwanise kudoma vatambi vaanofunga kuti ndivo vachadaisa mwaka uno kuNichrut achiti vatambi vese vanongotamba zvakafana kubatsira chikwata chake kuhwina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey