‘Hauna chaunogarira, murume wako akafa’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MUMWE mudzimai akachema-chema mudare achiti ari kudzingwa pamba nasekuru vemurume wake vachibatsirana nemunin’ina wavo zvichitevera kufa kwemurume wake.
Sipirire Davanga akamhan’arira Leonard Mudzimu naGeorge Mudzimu kudare reHarare Civil Court achiti vamiswe kuuya kumba kwake kana kumudzinga pamba.
“Leonard ndisekuru vemurume wangu saka pakangofa murume wangu vakatanga kunditi ndibve pamba vachida kundirova. Pavakaona kuti ndiri kuramba kubva, vakatanga kundityisidzira vachiti vanoda kundiuraya uye ndiri murwere saka kufa handinonoke,” anodaro.
Anoti George ari kubatsirana nemukoma wake kumushungurudza achiti ngaabve pamba haachisina chekugarira sezvo murume wake akafa.
“Vanobatsirana nemukoma wavo kundidzinga pamba vachiti ndibvepo, handisisina chekugarira uye kana ndisingade kusiya imba yangu ndinogona kutakura zvidhinha nemarata ndoenda nazvo kumusha kwangu,” anodaro Davanga. Leonard anopikisa zvese zviri kutaurwa naDavanga achiti manyepo uye vanogarisana zvakanaka.
“Anonyepa mukadzi uyu, tinogarisana zvakanaka. Dambudziko rava kutotanga nekundiunza kwaaita kudare.
“Handingagarisane nemunhu anondisungisa achitaura manyepo kuti zita rangu risvibiswe,” anodaro Leonard.
Mashoko ake anotsinhirwa naGeorge achiti haasvike kumba kwaDavanga.
“Handisvike kumba kwavo, vari kutaura zvekunyepa,” anodaro George.
Mutongi Yeukai Dzuda akarasa chikumbiro chaDavanga achiti anofanirwa kuenda kumatare anoona nezvekudzingwa kwevanhu vanenge vachiramba kubva pamba..

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>