‘Hausi murume pane vamwe’

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Milcah Nhakura
MUKOMA akazvuvira munin’ina wake kudare achiti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudzwa kuburikidza nekurohwa nekutukwa achinzi haazi murume pane vamwe varume.

Raphinos Zvirevo anogara panhamba 6179 Dzivaresekwa Extension, muHarare, akamhan’arira munin’ina wake Lovemore Chipani wepanhamba 5754 kwakare kuDzivaresekwa achiti ari kumutuka, kumuudza mashoko anorwadza nekumurova.

“Changamire, munin’ina wangu andishaisa mufaro. Pose patinosangana anondiita mwana mudiki achindituka, akambonditi handibatsire ndiko kusaka ndichizvara vana vanorarama nehusope,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anondirova, achiti mukadzi wangu haabatsire, ndinofanira kumuramba. Akamboputsa hwindo repamba pangu mushure mekunge ndaregedza kumuvhurira musiwo achinditi handisi murume pane vamwe varume.

“Changamire, dai mandibatsira nekuti zvekutaura handigone. Ndinotoshaya zvekuita uye zvinondishungurudza.”

Chipani haana kuenda kudare.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Zvirevo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>