Havakwati magaba kunge mhembwe

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MUTUNGAMIRI wenyika Cde Emmerson Mnangagwa, vachave ndivo nhengo inomiririra bato riri kutonga reZanu-PF musarudzo dzichaitwa pakati pegore, vakatoratidza vamwe vachada kukwikwidza kuti havakwati magaba kunge mhembwe inoti ikaridzirwa yotiza.

Mutungamiri wenyika vakadzoka kumusha musi weChipiri kubva kumusangano wokuDavos, kuSwitzerland, uko kwavakaenda svondo rapfuura, unove musangano wavakazobatanidzira neweAfrican Union wavakanopinda nevamwe vatungamiri veAfrica muguta reAddis Ababa, kuEthiopia.

Yese misangano yapamusoro-soro iyi yaive yokutanga kuti President Mnangagwa vapinde somutungamiri weZimbabwe.

Chakave chitsvamumeso chakafadza vazhinji, vamwe vakada kuita hurukuro navo kuti vanzwe kuti zvakafamba sei, uyewo kuti iyo Zimbabwe yacho inyika inoendeka here nokuti vanoshambadza nhau vakange vapa chimiro chokuti hapana zviripo. Vaidaro, asi nerimwe divi vachichema kuti hama dzavo dzakabvutirwa ivhu.

Akandifadza mutori wenhau wechichena akaita hurukuro yokutanga naPresident Mnangagwa. Aida chaizvo kuvatosvora kuti vaere vangotaura zvaizonzi, “Maiona Zimbabwe iya.”

Asi vakavashaira pavo. Vakange vasinganyanyi kunyemwerera zvavo sezvavaiita pamarally eZanu-PF aye aye, asi waingoona munhu asingasanduki chiso zvakanyanya, kana kupfakanyika-pfakanyika kuratidza kuti mubvunzo wazvimbira. Kwete, vaingopindura, mharidzo iri imwe cheteyo yokuti, “Zimbabwe is open for  business”.

Akada kumbosvika kunyaya yeGukurahundi kuti vape ruregerero asi President Mnangagwa vakatsanangura kuti vakatenge vasiya vasaina “Peace, Reconciliation Bill” kuti rive mutemo wenyika, mutemo uchaoongorora zvese zvine chekuita neGukurahundi.

Asi mwanasikana aida chete kuti vakumbire ruregerero pajekerere. Mazvionaka, kuda kubata vamwe nokuzvigunwe, kunge vasina pfungwa. Ngatimboti vakaita zvido zvake? Paibuda bishi nemhere kuno kumusha kuti kuda kufadza vachena here?

Ivo vakatadzirana, vakambokwira ndege kwave kuenda paTV kunokumbira ruregerero? Ko zvatiri kugaroona nhamo iri kusanganwa nayo nerudzi rwamaRohingya vokuBurma kune mudzimai ari kutonga mushure mokunge apihwa Nobel Peace Peace Prize – Aung San Suu Kyi – asi hapana ari kumuti ngaakupimbire ruregerero wani?

Asi zvonzi Cde Mnangagwa ngavakumbire ruregerero chete. Mwanasikana uyu anotadzawo kuziva kuti madzitateguru ake akaita vamwe vedu nhapwa, nokupamba nyika dzedu, asi havana kumbokumbira ruregerero.

Chapera, chapera musongora wehuku!

President Mnangagwa pachaitwa mimwe misangano havasisiri mwenga. Vakatopinda mazviri zvokuti vakaudza musikana wokuEurope kuti mheno akamuudza kuti sarudzo muZimbabwe dzichaitwa muna September.

l Muchinyorwa chesvondo rapera takati, “Kumambakwedza musi wa15 Ndira panhepfenyuro nepachivhiti-vhiti (ZBC/ZTV), vanhu makamutswa na’Good morning Zimbabwe’.” Apa paifanirwa kunzi 15 Mbudzi, kwete 15 Ndira. Tine hurombo zvikuru nekukanganisa uku. – MUPEPETI.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey