Havaropafadze, imharadzi

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Havaropafadze, imharadzi Pasina nguva, ndakaita pamuviri Chris akandivimbisa kuti aizondiroora asi akatanga kuramba.

Kwayedza

NDAKASANGANA neimwe nyaya inorwadza uye ndinovimba kuti vechidiki vazhinji vachadzidza kubva kwairi.

Ndiri musikana wechidiki ane makore 19 ekuberekwa, ndinobva kumhuri iri nani. Hatina kana zuva ratakamborara nenzara uye hatina kana kumbodzingwa kuchikoro pamwe nevanin’ina vangu vatatu asi kuti ndaida zvinhu zvepamusoro kuti ndiratidzikire.

Pandakaenda kuyunivhesiti, ndaiona vamwe navana vechidiki vaine bvudzi remhando yepamusoro vakagadzirwa nzwara dzavo uye vaine nharembozha dzinodhura nezvipfeko zvepamusoro. Vamwe vaitotyaira dzimotokari saka ndakachiva zvese izvi kuti ndizviwane neipi zvayo nzira. Ndakanga ndambonzwa nezvemaSugar Daddy ayo ave kunzi maBlessers nokudaro ndaisaziva kuti vanowanikwa kupi.

Saka ndakashamwaridzana nemumwe musikana kuti ndikwanise kuziva kwavaiwanikwa. Handina kutora nguva, ndakamubvunza kuti akanga akawanepi motokari yake nezvimwe zvinhu zvepamusoro achibva andiudza ndikabva ndaziva kuti aiva naBlesser wake.

Ndakamuudza kuti ndaitodawo wangu achibva anditaurira kuti Blesser wake akanga aine shamwari yake yaidawo musikana wechidiki akaita seni.

Saka ndakatanga kushamwaridzana naChris uyo aiva nemakore 55 ekuberekwa.

Chris aityaira motokari dzinodhura asi handina kuziva kwaakanga ari kugara uye handina kana kumboita hanya nazvo.

Takaenda kunzvimbo dzakasiyana tikarara mumahotera anodhura nemaroji.

Handaifunga kuti HIV inowanikwa mukati mevanhu vane mari.

Pekutanga, ndakafunga kuti uku kwaiva kurota asi ndakaona kuti chakange chiri chokwadi chemandiriri. Asika ndakanga ndiri kuzvitambisira nguva. Aive nemari yekunze kwenyika panguva iyo vanhu vaichema nematambudziko emari munyika muno. Ndakakwidzwa ndege kuenda kuDubai, France nedzimwe nyika uko tainotenga kusvika taneta. Ndakatanga kuziva upenyu hwemapusoro kuti hunorevei.

Patakatanga kuita bonde, ndakataurira Chris kuti tinge tichishandisa makondomu achibva abvuma. Kechipiri akandikumbira kuti ndive nechivimbo naye asi ndaisada kuvimba naye nekuti handaiziva mamiriro ake maringe neutachiona hweHIV neemudzimai wake uye dzimwe shamwarikadzi dzake asi chido chemari ndicho chaindikwezva kusvika ndabvuma. Kubvira ipapo takaramba tichiita bonde risina dziviriro.

Pasina nguva, ndakaita pamuviri Chris akandivimbisa kuti aizondiroora asi akatanga kuramba achiwandirwa nebasa kunze kwedhorodha.

Shamwari dzangu dzakandiseka dzikandibvunza chikonzero nei ndakanga ndisiri kushandisa nzira dzekurera mhuri. Ndainge ndisina kana kumbofunga nezvazvo. Ndakanga ndangova munhu akanga ava kugara ega uye hurukuro yangu naChris yakatanga kuderera kusvika pakuzopera zvachose.

Ndakafunga kunodura zvese kuvabereki vangu ndikaenda kune mutungamiriri wechechi yedu – mufundisi, vabereki vangu vakadurura hana yavo vakati ndainge ndavarwadzisa asi vakanditambira sezvakaitwa mwanakomana muparadzi wemubhaibheri.

Vabereki vangu vakasarudza kuti tiende kunonyoresa nhumbu pakiriniki iri pedyo apo ndakaonekwa kuti ndakanga ndiine utachiona hweHIV. Ndakavhiringika mupfungwa zvekusvika pakumbomira nyaya dzechikoro nekuti zvese izvi zvaingoitika kunge firimu.

Raramo yangu yemangwana yakabva yaparadzwa. Vabereki vangu vega ndivo vari kumira neni mune zvese. Vanonditaurira kuti kana ndikatora mishonga yangu yemaARVs upenyu hwangu hunodzokera pekare uye ndinogona kusununguka mwana anenge asina utachiona.

Iko zvino ndava kudzokera kuchikoro uye handisati ndanzwa nezvaChris, anogona kudaro akatochinja nhamba dzake dzefoni nekuti ndiri kuramba ndichidziedza kufona dzisiri kubatika.

Handaifunga kuti HIV inowanikwa mukati mevanhu vane mari. Chris aiva mupfumi.

Handina zvakare kumbozvifunga kuti vasikana vanofurirwa vanenge vakangwara. Nehungwaru hwangu, ndiri pano handichachiva vanhu vane zvinhu zvavo nekuti handingazivi kuti vanenge vari kuzviwana kupi.

Madhara munodii kusiya twusikana twechidiki? Vasikana vechidiki tizai kana muchinge masangana nevaparadzi ava!

 

Share This:

Sponsored Links