‘Hazvidi hope’

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Hazvidi hope’ Sunday Chidzambwa

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI wechikwata chenyika chemaWarriors – Sunday Chidzambwa – anoti zvikwata zvemuno zvinofanirwa kuita gadziriro yazvo yakasimba kana zvichida kubudirira mumutambo weCAF Champions League.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa chikwata cheFC Platinum mumutambo uyu muchikamu chekutanga nePrimeiro deAgosto yekuAngola masvondo adarika.

Mhofu, sezita remadunhurirwa raChidzambwa, anoti zvikwata zvemuno zvinofanira kutosunga dzisimbe kuti zvisvike kure mumutambo uyu.

“Zvinoda kugadzirira zvakasimba kana muchida kubudirira chete. Mitambo iyi mikuru saka kuti mubudirire munofanirwa kushanda nesimba nekuti munenge muchisangana nezvimwe zvikwata zvikuru zvekunze,” anodaro Chidzambwa.

Chidzambwa – uyo akarairidza chikwata cheDynamos icho chakasvika kufainari yemutambo uyu mugore ra1998 – anoti chimwe chikonzero chiri kukangnisa zvikwata zvemuno kusabudirira inyaya yekuti panotanga mutambo uyu zvinenge zvisingakwikwidze izvo zvinosiyana nezvekunze zvinenge zviri pakati pemwaka wenhabvu kunyika dzazvo.

“Chimwe chikonzero chandinoona chiri kuti kanganisa muno inyaya yekuti panotanga mitambo yeChampions League yacho zvikwata zvedu muno zvinenge zvisingakwikwidze, ligi redu rinenge risati ratanga izvo zvakasiyana nezvikwata zvekunze zvinenge zvichitotamba kunyika dzazvo.

“Muno ligi rinenge rakamira saka zvikwata zvedu zvinenge zvisati zvanyatsowana nguva yakakura yekugadzirira,” anodaro Chidzambwa.

Aimbove mutambi weCAPS UNITED, Carlos Max, anoti zvakakosha kuti zvikwata zvemuno zvitore nguva zvichibika vatambi kana zvichida kubudirira mumutambo uyu kwete kuvashandura gore rega-rega.

“Zvikwata ngazvisiye tsika yekushandura vatambi gore rega-rega nekuti vatambi vatsva pavanouya vanenge vasati vajairira kutamba nevagara varipo saka zvinovatorera nguva. Zvinoda kuti chikwata chomboita makore mashanu nevatambi vamwe chete, vanopedzisira vajairana zvekuti vakakwikwidza mumitambo yeChampions League hazvimbovanetsi vanenge vachizivana,” anodaro.

Zvakadai, svondo rino Kwayedza yakaita ongororo yematambiro ari kuita zvikwata zvemuno mumutambo uyu makore adarika.

Muongororo iyi, zvakaonekwa kuti mugore ra2008 ndipo apo chikwata chemuno chinove Dynamos chakakwanisa kusvika kusemi-final uko chakazokundirwa neCoton Sport yekuCameroon 5-0 paaggregate.

Mumakore akatevera, zvikwata zvemuno zvange zvichingotatarika zvichitadza kusvika kana kumagroup stages izvo zvakazokwaniswa kuitwa neMonomotapa muna 2009 pamwe neCAPS UNITED gore radarika.

Zvakadai, zvikwata izvi – Monomotapa (2009), Dynamos (2010) neCAPS United (2017) – zvaingopedza zviri pasi mumapoka azvainge zvakaiswa.

Monomotapa United mugore ra2009 yaive muboka rine zvimwe zvikwata zvaiti TP Mazembe, Heartland (Nigeria), Etoile du Sahel (Tunisia) uye yakangokwanisa kuhwina mitambo miviri chete muboka iri ndokukundwa mimwe mina yacho ndokupedza yakasenga boka iri.

Mugore ra2010, Dynamos yakabudirira kusvika kumagroup stages apo yairairidzwa naKalisto Pasuwa asi chikwata chake chakangokwanisa kuhwina mutambo mumwe chete ndokupedza chiri pasi muboka raive nezvikwata zvinoti Esperance of Tunisia, TP Mazembe neES Satif yekuAlgeria.

Gore radarika, CAPS UNITED yakambozama kumisidzana nezvimwe zvikwata zvikuru izvo zvakaiona ichikunda Zamalek 3-1 uye ne USM Alger 2-1 muno kunhandare yeNational Sports Stadium.

Gore rino tarisiro yange iri kuchikwata cheFC Platinum asi chakangozvamburwa muchikamu chekutanga kurwira kuenda kumagroup-stages ndokubva chatobuda mumutambo uyu.

Platinum yakatenga vatambi vakawanda vemuno kusanganisira vamwe vekunze ichigadzirira mutambo uyu asi yakakundwa 5-1 paaggregate nePremiero de Agosto yekuAngola.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>