Hekani muroro

23 Apr, 2015 - 13:04 0 Views

Kwayedza

naDyke Matambo
CHANGA chiuya chinenge mukaka
Indodyiwa nevasina menoZvaitwa Shumba (musena)
VaZungu vemachira matsuku,
Vakauya vari mungarava,
Vashambi vaitakurwa
Nemushenjere,
Vachishambadza machira,
Magidi nendarira.
Mazvita Shumba (Moyo)
Mutupo usina mupatsa,
Chidawo chisina mhandi
Vokwachuma chitete
Chikobvu chinobandika,
Vokwasadza dete,
Gobvu rinodzipa mwana.
Zvaonekwa Shumba (sinyoro)
Nyama inyoro
Vagere Gombe, vare
Muchirozva nevari Daramombe,
Chidawo chinobve Dzimbahwe
Kutenda hurima.

Dyke Matambo ari muForm 3 paMurombedzi Secondary  School, kwaZvimba.

MAONERO:

Nhetembo dzemitupo, zvidao nemadzinza hadzisi nyore kunyora, kunyanya munguva dzino dzatave apo zvinhu zvizhinji, kunyanya mutauro wedu zvasanduka kwazvo. Saka chekutanga ndinoda kukukorokotedza nekumira-mira kwawaita kuti udetembe nhetembo yevanhu veShumba Sinyoro.

Kana neniwo ndatodzidza ipapa, nekuti ini ndaingoziva dzimwe shumba dzakaita sana Mhazi, Nechinanga nedzimwe, asi veShumba Sinyoro ndanga ndisati ndambovanzwa.

Zvisinei, nhetembo yako yanga yakanaka kwazvo sekuitaurirwa kana kunzwa ichidetembwa kwawakaita. Kufanana nedzimwe nhetembo dzerudzi urwu, inotanga nekuti, “Hekani muroro.”

Chiri kunzi muroro pano kutsvuka kweganda revaridzi vemutupo ava, vanova vauyi vakabva kune dzimwe nyika dzemhiri. Ndicho chikonzero chinoita kuti vanzi maSena.

Sekutsvuka kwemuchero weroro, ndizvowo zvakaita makanda avo. Zvisiri izvo zvega, maroro anonhuhwirira uye muchero wakachena, uye wakapfava. Izvi zvinobuda panonzi, “chiuya chinenge mukaka, inodyiwa nevasina meno.” Uku kutsinhira kuyevedza kwerunako rwana Sinyoro.

Nhetembo dzerudzi urwu dzinonyatsoburitsa zvakajeka nhoroondo yerudzi rwevanhu. Semuenzaniso, tinonzwa vachinzi vemachira matsvuku. Izvi zvinobva pakuti maSena akanga ari vanhu vaipfeka machira kusiyana nevanhu vedu muno vaipfeka matehwe.

Tinonzwawo zvakare mauyiro avakaita, kuti vakauya nengarava. Tinobva tazonzwa zvakare kuti vaive vanhu vasingade zvetsvina panonzi, “vashambi vaitakurwa.”

Ichokwadi kuti nguva zhinji vaifamba vakatakurwa nevanhu pavaienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana vachitengesa machira avo. Asi tinobva tanzwawo kuti vaisatengesa machira chete, asi nezvombo zvakaita sepfuti nezvishongo.,VaZungu vemachira matsuku, Vakauya vari mungarava,Vashambi vaitakurwa  Nemushenjere, achishambadza machira, Magidi nendarira.

Tinonzwawo mutupo uyu uchiburitsa kuti ana Sinyoro vaive vatengesi vechuma. Tinodzidzawo kuti vaifarira kudya sadza dete, pamwe nekuda kwekuti vakanga vari vanhu vasingazive sadza kwavaibva. Nhetembo iyi inopedzisira ichitiudza nzvimbo dzinowanikwa vanhu vemutupo uyu: Gombe, Chirozva, neDaramombe. Asi uku vakasvika vachibva kuDzimbahwe.

[email protected]

Share This:

Sponsored Links