Hill kumakwikwi ekuRio de Janeiro

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SHANGWITI yemujaho wekumhanya pamwe nekusvetuka, Jessica Ennis Hill, oti anoda kukwikwidza kumakwishu emaOlympics achaitirwa kuRio de Janeiro muna 2016.

Chizvarwa chekuBritain, Ennis-Hill (28), anoti anoda kuhwinha mukombe weOlympic Heptathlon kumakwikwi aya muna 2016 zvisinei nekuti akabva kubatsirwa mwana muna Chikunguru.

Ennis-Hill akambohwinha menduru yegoridhe mugore ra2012 kumakwikwi akaitirwa kuLondon uye akatotanga kutirena mwedzi wadarika.

Akaudza veBBC Sport kuti ainge akatarisana nekugadzirira makwikwi chete apo anoda kuhwinha zvinodakadza.

“Ndakashandura zvandaimbokoshesa, iko zvino ndinongoda kuhwinha bedzi uye ndinoziva kuti ndinokunda,” akadaro Ennis-Hill.

“Zvinongoda kutirena pamwe nekuzvipira, kushanda nesimba kuti ndikwanise kuenda kuRio ndinogokunda,” akadaro.

Ennis-Hill, uyo anoshandira kuSheffield, akati anozviona saamai kumwanakomana wake wekutanga anova zai regondo, Reggie, pazvinhu zvose uye ichi ndicho chinhu chekutanga muhupenyu hwake.

Anoti anokwanisa kudzvekenyedza mikana kuti arambe achigona kukwikwidza zvemhando yepamusoro sezvo akamboita shasha yemakwishu epasi rose zvakare akazezesa muEurope yose.

Anoti hapana chakashanduka paari.

“Ndichiri ini wamaingoziva, hapana chakashanduka ndichiri munhu akarongeka, ane gwara rakatwasuka muhupenyu hwangu uye apa ndadzoka zvakare mudariro. Ndinoda kuona kuti pane chichandidzivisa here kudzora mbiri yamaindiziva nayo,” akadaro Ennis-Hill. — Sport News.

Share This:

Sponsored Links