Uncategorized

Homelink yovaka dzimba dze$8 miriyoni

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Homelink yovaka dzimba dze$8 miriyoni

Kwayedza

KAMBANI yeHomelink Private Limited — iyo iri pasi pebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) — yakaparura chirongwa chekuvaka dzimba dzinokosha $8 miriyoni kuBrockdale, kuBindura, kudunhu reMashonaland Central.

Dzimba dzichavakwa kuBrockdale dzinobvira pa200 kusvika pa300 square metres uye dzichange dziine mabhedhuru maviri, imba yekubikira, chimbuzi nepekugezera.

Vachiparura chirongwa ichi, gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vanoti zvakakosha kuti vemabhengi vatsigire zvirongwa zvekuwanisa vanhu dzimba.

“Zimbabwe yakazaruka kuti vanhu vange vachiita mabhizimusi asi dambudziko nderekuti vanhu havasati vanyanya kutambira chirongwa chekushandiswa kwemari yepurasitiki izvo zvinoonekwa nekuwanda kuri kuita vanhu pamitsetse kumabhanga.

“Kuwanda zvakare kuri kuita makambani muno kunoreva kuti anoda mari yekunze kuti arambe achinotenga zvekushandisa kunze kwenyika. Tinofara kuti ichi chava chikamu chepiri chiri kuitwa neHomelink chekuvaka dzimba zvichitevera chimwe chavakaita kuTynwald. Sevemabhanga, kana tikavakira vanhu dzimba, tinovasiira nhaka huru. Pekugara nezvekudya ndizvo zvinhu zviviri zvakanyanya kukosha muupenyu hwevanhu,” vanodaro.

Dr Mangudya vanoti vanotarisira kuti upfumi hwenyika huve hwakagadzikana kubvira panyaya dzemafuta edzimotokari ayo ari kuramba achikwira mutengo pasi rose uye nemagetsi ari kutengwa kubva kune dzimwe nyika.

Vanokurudzira vanhu vari kunze kwenyika kuti varambe vachitumira mari kuitira kuti upfumi hwenyika hugadzikane.

“Tinotenda vemabhanga nekupa kwavari kuita mari dzezvikwereti kuti vanhu vakwanise kuita mabhindauko anosimudzira upenyu akaita seekuvaka. Vanhu dzidzai kushandisa mari yemusvo iri muushoma asi munguva zhinji muchisevenzesa mari yepurasitiki nekuti kana mukaramba muchienda kumabhengi muchida mari yemusvo, munotarisira kuti inobva kupi iyo mari yenyu ichipinda nenzira yeRTGS? Munoona kuti zvinoita here kuti nyika inge ichitenga mari yekunze?” vanodaro.

VaHappymore Mapara, avo vanova sachigaro veHomelink, vanoti vakaona zvakakosha kuti vavakire vanhu dzimba nekuti ndipo panotangira budirio yavo muupenyu.

“SeHomelink, takaona kuti dzimba ndechimwe chikamu chakakosha muupenyu nekuti kana munhu aine pekugara, utano hwake hunosimukira nekuti pfungwa dzake dzinogara dzakagadzikana. Anokwanisa zvakare kuita mamwe mabhindauko ekutsvaga mari sekutengesa ari pamba pake. Dzimba dzatinovaka seHomelink dzinenge dziri dzemhando yepamusoro asi dziine mitengo yakaderera kumunhu wose,” vanodaro.

Dzimba dziri kuvakwa neHomelink dziri chinhambwe chemakiromita manomwe kubva mudhorobha reBindura uye chirongwa ichi chichaona dzimba 329 dzichivakwa, idzo dzinotarisirwa kupera muna Zvita wegore rino.

Homelink iri kuita zvakare mamwe mabhindauko ekuvaka mazana nemazana edzimba muHarare, Mutare, Masvingo neBulawayo.

Chirongwa chekuvaka dzimba ichi chakatanga muna 2005 chiine chinangwa chekuunza mari yekunze kuburikidza nezvizvarwa zveZimbabwe izvo zviri kushandira kunze kwenyika.

Homelink inoona nezvekusimudzirwa kwemidziyo yakasiyana (property investments) uye kufambiswa kwemabhizimusi anoona nezvemari.

Share This:

Sponsored Links