Uncategorized

Homework yemwana yeShona yandibvuraudza

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

 

naIgnatius Mabasa

UNOZVIZIVA here kuti unogona kufuridza zvibharuma zvemutauro usingambotya kuti zvinogona kuputika? Unogona kufuridza zvibharuma zvemutauro zvikakura zvekuenzana nemba, zvobva zvakutakura kuenda mudenga mumakore wotoona nyika iri pasi.

Ichokwadi, unogona kudyara maruva enhetembo, kana ave kutumbuka agoshevedza nyuchi dzenyaudzosingwi dzinonhuhwirira sechingwa chichangoburwa. Mutauro unonaka uye wakanaka pasina makanika anoukanika.

Ndinozviziva kuti unogona kugadza poto yetsumo nemadimikira pamoto, ugoikuchidzira nezvirungamutauro. Kana uchida, unokwanisa kugocha kana kusasika mutauro pamarasha kusvikira watsvukirira zvinodonhedza rute.

Asi panguva imwechete, unogona kubatwa nemutauro wako sembavha yabatwa nemapurisa. Kana mutauro wako wakubata senhunzi yabatwa nedandemutande, unokusimudza nenzeve, wokuwundura nekukubvuraudza mumoto zvekuti hauibve. Unokusiya wave nevende risingatsenge nzimbe dzemugadheni rengano dzaTsuro naGudo.

Ndine mazuva andinoda kuseka, asi ndozonzwa tsitsi. Vabereki vazhinji vapfidza nenyaya yeHomework yerurimi rwamai zvekuti mumwe mudzimai wechidiki akasvika pakuti, “Sei tisingangosiya zveShona tingoita Chirungu chakapusa?”

Ichokwadi here kuti Chirungu chakapusa kana kuti isu tisu takapusa kana tichifunga kuti Chirungu chinoshamisira nyangwe chichitisiya tashama, tisina kupfeka?

Zvakarewo, kana rurimi rwamai rwave kuvava, kubaya, kutunga, kucheka nekutswa dignity yedu yese, ruchiri rurimi rwamai here? Kana Jah Prayzah achiimba chimbo chinonzi “Nziyo yerudo,” achitaura kuti anoda kuroora musikana anogona kudzidzisa vana vake rurimi rwamai, asi iye achitadza kuziva kuti mumutauro weChiShona zvinhu zvishoma nezvizhinji zvakasiyana papi, tichiine mutauro here?

Mururimi rweChiShona chimbo chimwechete chinonzi rwiyo, kwete nziyo. Zvakafanana nekuti: rwizi – nzizi; rwendo – nzendo; rwaivhi – nzavhi.

Kudzidzisa vana mutauro wedu ibasa redu nekuti isuwo takadzidziswawo mutauro iwoyo. Kutadza kudzidzisa vana mitauro kuuraya nyika nezvipo zvaMwari kumarudzi akasiyanasiyana.

Tine zvinhu zvedu sevanhu vatema. Tine tsika dzedu nemitauro yedu. Tine tsumo nemadimikira, nyaudzosingwi, nhetembo dzine mabvumira, mutinhimira nemahon’era. Tine ngano dzedu dzine dzidziso nemharidzo dzakakosha pamusoro pemagariro uye nekugarisana kwakanaka. Asi nekuda kwekuti takadzidza kutaura twuchirungu, uye tikadzidza kuti kana washatirwa, kana kuti kana uchida kuonererwa unongoregedzera twuchirungu – tave mashanga akakohwewa akasara mumunda.

Shanga rakabva chibage harisisina basa kunze kwekudyiwa nemombe nekutakurwa nemhepo.

Tave vanhu vanoda zvinhu zvisiri zvedu uye zvinhu zvacho zvatinoda hatizvinzwisise. Zvimwe zvatinofunga kuti Chirungu zvinotoshamisawo varungu vacho. Mamwe marudzi ari kuuya munyika dzedu kuzotora zvetsika dzedu, isu tichida zvavo. Kwatiri kubva ndiko kwavari kuenda, isu tichienda kwavari kubva.

Asi kwavari kubva vakatozviona kuti hakuna chiriko.

Zvinhu zvatiri kukoshesa hazvisi zvedu, zvinhu zvevamwewo. Saka kana homework yeShona yave kuda kuti titsanangure hukama, asi isu tisisakoshese hukama, tinobva taona kuti tawomerwa zvekufanana nemunhu atumwa kunokama mukaka wenzou.

Kana uchikama nzou unoisunga makumbo nei, uchibata munyatso sei? Nhamo yedu ndakazoiona. Patinofamba tichishamisira neChirungu nezvinhu zveChirungu hazvireve kuti tave varungu. Varungu vanoramba vachititarisa nepamahwindo vachiti tisapinde mukati.

Kukoshesa kwedu chirungu nekuti tinoda kunzi takadzidza hakutibatsire kana tisingazive tsumo, zvirahwe, madimikira, ngano nemitauro yedu. Tinoda kuti zvinhu zvityise nekuti tinenge tazvipa mazita echirungu.

Nyangwe mombe dzedu kumusha uko dzine mazita eChirungu – asi Chirungu chakafanana nekutakura mvura muchirongo chinobvinza.

Share This:

Sponsored Links