Homwe yemari yapwa: Mavima

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Homwe yemari yapwa: Mavima

Kwayedza

 — Chirongwa chematicha chombosendekwa

Munyaradzi Musiiwa —
ZVICHITEVERA kushomeka kwemari, Hurumende inoti ichambomira kufambisa chirongwa cheTeacher Capacity Building Programme icho chakananga kudzidzisa maticha kuti akwanise kuzadzikisa zvinodiwa pasi pegwaro idzva redzidzo, reNew Curriculum.

Mashoko aya akaziviswa nemutevedzri wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vachiti kumbomiswa kwechirongwa ichi hakukanganise varairidzi vakange atorwa kare avo vari kudzidziswa kumayunivhesiti akasiyana.

Vanoti Hurumende ichaona kuti vadzidzisi vakatanga zvidzidzo izvi kare vapedzisa fundo yavo panguva imwe chete mari ichitsvagwa yekuti chirongwa ichi chienderere mberi.

“Tambomisa kutora vadzidzi vatsva pasi pechirongwa cheTeacher Capacity Programme. Izvi zviri kukonzerwa nekuti mari nezvimwe zvekushandisa zvatinazvo pari zvino hazvitenderi kuti tinge tichienderera mberi.

“Kumiswa kwechirongwa ichi ndekwenguva duku nekuti tinoda kuzoenderera mberi nacho nekufamba kwenguva. Avo vakange vatotanga kudzidza kare pasi pechirongwa ichi havazi kuzokanganisika mufundo yavo,” vanodaro Prof Mavima.

Bazi redzidzo rakavamba chirongwa chekudzidzisa varairidzi rakabatana nemayunivhesiti mashanu ayo mamwe acho akatotanga zvidzidzo zvemadhigirii matsva ari pamusoro pemitauro 16 inocherechedzwa mubumbiro remutemo weZimbabwe.

Maticha anodarika 2 500 munyika yose ari kuita zvidzidzo zveTeacher Capacity Building Programme.

Mayunivhesiti akabatana nebazi iri muchirongwa ichi anosanganisira Midlands State University iyo iri kufundisa varairidzi 630 zvidzidzo zveInformation and Communication Technology.

Great Zimbabwe University yakatora varairidzi vezvemitauro uyewo Zimbabwe Open University iri kuitisa zvidzidzo zvekufambiswa kwemabasa (administration).

Bindura University of Science Education iri kufundisa maticha aya zvidzidzo zveSainzi apowo University of Zimbabwe iri kuitisawo zvimwe zvidzidzo.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari sekondari, Dr Sylvia Utete-Masango nguva pfupi yadarika vakati Hurumende yakapa $3 miriyoni yekushandisa muchirongwa cheTeacher Capacity Building Programme uye vatsigiri vakatutsira imwe mari.

“Tashandisa $3 miriyoni muchirongwa cheTeacher Capacity Building Programme. Tasangana nematambudziko pano neapo uye takataura nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti ritigadzirisire dambudziko iri,” vanodaro Dr Utete-Masango. – The Herald

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey