Hondo oita hondo nanyachide

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Hondo oita hondo  nanyachide

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekuzama noto nekuda kudzinga mukadzi wake wechipiri pamba achiti imba iyi ndeyavahosi akazoshaya pekupinda nekunyara apo dare rakapa mutongo wekuti nyachide uyu ane mvumo yekugara pamba apa sezvo akabatsirawo mukuivaka.

Tendai Hondo akamhan’arira Lydia Kasina kuHarare Civil Court achiti ari kumutukidzira nekupwanya midziyo yepamba pake.

“Changamire, nemukadzi uyu takambogara tese asi takazorambana akatakura zvese zvaiva pamba. Asi izvezvi ava kuuya achindituka ini nemudzimai wangu zvekuti akatombopwanya zvinhu achiti ari kuda kuuya kuzogara pamba pake asi hapasi pake,” anodaro Hondo.

Anoenderera mberi achiti akadanana naKasina apo akambonetsana nemudzimai wake mukuru asi vakazowirirana vakadzokerana.

“Pandakadanana naye, ndaiva ndanetsana nemudzimai wangu saka izvezvi takataurirana tikawirirana. Ndava kuda kugara zvakanaka nemudzimai wangu pasina uyu achitishungurudza,” anodaro Hondo.

Kasina anoudza dare kuti akabva pamba apo akanetsana naHondo asi akazomutevera akamunyengetedza kuti vadzokerane.

“Takanetsana ndikabva pamba akazouya akanditora kwandainge ndava kugara asi akandiudza kuti akadzokerana nemudzimai wake. Ini ndakangoti hazvina basa sezvo tine mwana. Zvino chava kunetsa ndechekuti ava kuda kugara imba yese nemukadzi uyu asi ini ndini ndakaivaka nemari yangu yandakamupa,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kubva kwandakaita pamba ndaida kumbonofungawo sezvo taiva tanetsana kwete kuti ndakatotiza pamba uye zvekuti ndinopwanya zvinhu nekuvatuka kunongova kunyepa kwevanhu vave kuda kundidzinga.”

Hondo anobva amugamha achiti Kasina haana imba sezvo iye akazongovaka imba iyi chete, asi sitendi yaiva yakatengwa nemukadzi wake mukuru.

“Haana imba uyu, akangovaka pasitendi yaiva yatengwa nemukadzi wangu.

‘‘Ndiri kutoshamisika kuti ava kuida nekuti aitomboiramba achiti haagare kuEpworth,” anodaro Hondo.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Hondo gwaro redziviriro asi ndokuti Kasina ane kodzero yekuenda kuimba yekuEpworth iyi sezvo akabatsirawo mukuvakwa kwayo.

Share This:

Sponsored Links