Huchenjeri hwevatema

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
ZVOTOONA nhasi uno sezvinhu zvava zvechiRungu kana kuti zvakauya nemangezi zvimwe zvacho vatema vekare vakange vatobva neko kare. Asi kuti vauyi ava vaizongowedzera ruzivo kuti zvigonaka kupfuura zvazvakanga zviri.

Ngatitarisei nyaya yemoto, kuti wakatanga sei. Vakuru vekare vaipona nemichero nenyama yemhuka yakaomeswa idzo dzavaivhima musango. Nemhaka yekuda kudyawo zvinhu zvakabikwa nekudziya, vanhu vakatanga kusika moto nemiti yemitsubvu wanikwe vatobudirira ndokubva kudya zvakabikwa nezvinodziya kwatotanga. Nhasi uno tave kushandisa machisi. Ndiko kunonzi kupindana kwemazuva ruzivo rwuchiwedzera.

Moto wavapo, pfungwa dzavatema dzakaramba dzichiwedzera kudzimara vatanga kupfura miseve, matemo nemapadza vachishandisa mvuto. Mvuto iyi ipfungwa yavatema avo vaida kiti paite moto wakasimba kusvika pakunyungudutsa simbi.

Nhasi uno tava ne”blast furnace” huri hutsanzi hwakabva kure nevatema.

Mishonga yainwiwa navakuru vedu kare ndiyo yoita mikurumbira nhasi uno. Vaiziva kuti ichi chifumuro chinorapa mudumbu, uyu mudzingahonye unorapa maronda.

Mukuvhima kwavo vaiziva kuti mumasango maiva nezvikara zvinorura uye zvine simba saka vakagadzirawo zvombo zvakakura zvakaita semuguguda uyo wavaipfurisa mhuka. Kubva mumuguguda tava nemabhazuka nema”AK 47”. Zvinoputika zvichikuvadza zvawanda kwazvo asi nyaya yeunga yakatanga kare kare kwazvo zvinova izvo zvakakonzeresa kuti vanhu vave nepfungwa yepfuti.

Njere dzevakare dzakaburitsa zvakawanda chose kusanganisira kugadzira mutyorwa vachishandisa hundi yemaguri akapiswa panova ndipo pakazobuda pfungwa yekugadzira soda iyo yotoshandisa nhasi uno pachinzvimbo chemutyora wemaguri.

Hutsanzi uhu hwakabvira kure apo vanhu ivava vakafunga zvekugadzira hwamanda vachishandisa nyanga dzebharabhara kana dzenhoro. Pfungwa yehwamanda ndiyo yakaburirsa mabhosvo ava kungoridzwa mumakereke nekunenge kuine magitare.

Vakagona zvakare kukaka ngoma vachishandisa miti nematehwe. Ngoma dzavo dzaive dziri dzemitambo yakasiyana kuti dzeshangara dzega dzembakumba dzega. Hwaiva huchenjeri uhwo hwava kuvandudzwa nhasi uno zvongosandurwa mazita zvoita sezvakabva kure kure.

Vakuru vedu vakatanga kugadzira midziyo yakasimba kusanganisira kuumba hari apo vakafunga kuti hari inoda ivhu rerondo risingatsemuki uye kuti isimbe inotoda kupiswa vachishandisa ndove iyo inobvira isingadzime kwenguva refu. Hwaiva huchenjeri hwakasimba uhwo hwakazozvara kugadzirwa kwezvidhinha zvakasimba kuchitevedzerwa nzira iyoyo yekupisa.

Mushure mekushanda zvine simba vanhu vanoita mondo yetsvina iyo isingabvi nemvura chete asi kuti paitoda chainyungudutsa mondo iyoyo nokudaro vakafunga zvekushandisa muti wemafeso uyo unopupuma.

Vakabva vatanga kuushandisa sesipo, nanhsai tava nemhando dzinoraudzira dzesipo. Varedzi vehove vakatanga kugadzira matuwo ekubatisa hove dzakawanda vaona kuti zvekunhonga imwe imwe nechirauro hazvibudi uye zvinotara nguva. Matuwo anobata dzakawanda nekudaro vakabva vauya nezano remaneti ave kushandiswa kubata hove mumadhamhu makuru.

Vanhu ivava vakakwanisa kubuda nenzira yekubika nayo doro iyo inotora mazuva manomwe kuti risvike rigosvinwa nokunwiwa.

Pfungwa yavo iyoyo yekuti hwahwa hunofanirwa kuvira vakabva vatora mupfudze wemombe mudanga kwava kukomberedza hari dzine doro kuitira kuti rivire. Nhasi tava nemichina inovidza doro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>