Uncategorized

Huku ‘dzakachechenya’ mombe

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Huku ‘dzakachechenya’ mombe Mombe dzinonzi dzakatengwa nevarimi vekuBindura South kubva mumabhidhauko ekupfuya huku.

Kwayedza

VARIMI vekuBindura South, kuMashonaland Central Province, vari kubatsirikana zvikuru nemabhindauko ekupfuya huku ayo ari kutsigirwa nenhengo inovamiririra mudare reNational Assembly, Cde Remigious Matangira.

Mabhindauko aya anoita kuti varimi vapihwe huku dzenyama dzekupfuya uye vamwe vanonzi vakatotenga mombe kuburikidza nechirongwa ichi.

Cde Matangira vanoti chirongwa ichi chapundutsa varimi vakawanda vemudunhu ravo.

“Ndichitanga chirongwa ichi kuno, ndaida kuti murimi wose ave nemombe mudanga make zvinova zvakaitika. Regai nemumwe mutauro nditi huku dzakabereka mombe nekuti kubva mukupfuya huku idzo, varimi ava vaizodzitengesa vakakwanisa kuzotenga mombe idzo dzatozara mumatanga,” vanodaro Cde Matangira.

Cde Matangira vachipa varimi huku dzekupfuya

Vanoti basa iri havana kuriita voga asi kuti vaishanda nevagari venzvimbo iyi pamwe chete nekanzuru yeBindura nevamwe vatungamiri.

“Taronga kudaro, takanotsvaga huku kumakambani anotengesa hukwana dunhu rangu rose rikawana huku, kuzara chaiko. Sabhuku mumwe nemumwe nemusha wake nevanhu vake taivapa huku 100 mumadistricts ari muno anokwana 20.

“Mambo Musana, VaJoel Nyarumwe, nevamwe vatungamiri vaibatsira kuti chirongwa ichi chifambire mberi, icho chakabudirira zvikuru varimi vakakwanisa kutenga mombe,” vanodaro Cde Matangira.

Vanoti vabereki vakawanda vave kukwanisa kuriritira mhuri dzavo pamwe nekuendesa vana kuchikoro kuburikidza nemabhindauko aya.

“Tine mushandirapamwe wekupfuya mombe wakabuda mubasa iri mushure mekunge varimi vakatengesa huku dzavo unonzi Nyava Cattle Farmers Group. Varimi ava vakwanisa kutenga mombe gumi neshanu idzo dziri kuramba dzichibereka, dzakabva muhuku. Vanogona zvavo kutaura voti huku dzakabereka mombe.

“Hamusisina nhamo muno, mukaka tave kudya nenyama uye mari tava nayo.”

Cde Matangira vanoti pasi pemabhindauko aya, vakapa varimi huku dzinodarika 3 000 idzo dzakazotengeswa ndokuramba vachihodha dzimwe kusvikira vakazokwanisa kutenga mombe.

Mukati memawards 13 nemadistricts 20, vanoti vane masabhuku anodarika 200 mudunhu ravo rose muine vanhu vanodarika 35 000 avo vavanoti upenyu hwavo hwakasimukira nekuda kwezvirongwa izvi. “Takatanga nekusimudzira upenyu hwevanhu, izvozvi tikaenda tichiti tinodawo mari inobuda nekuti vaanayo. Tine varimi vemichero nematomatisi uye tine hurongwa hwekuvandudza zvatinorima tichagadzirisa zvimwe zvinhu iya yatinoti value edition muchiRungu. Zvakaita sematomatisi anosvinwa muno nemichero tichigadzira jam nezvimwe,” vanodaro Cde Matangira.Vanoti vane hurongwa zvakare hwekuti varimi vagaye voga hupfu kubva muchibage chavanorima.

“Mari yeConstituency Development Fund (CDF) ikauya haipinde muhomwe yangu, takaronga kuti district roga-roga richawana $2 500 yekusimudzira mabasa ebudiriro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>