‘Huku dzechivanhu dzinopa pundutso’

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Huku dzechivanhu dzinopa pundutso’

Kwayedza

Tandayi Motsi —
SANGANO rakazvimirira reZimbabwe FreeRange Poultry Producers Association (ZERPA) rosimudzira varimi mukuchengeta huku dzechivanhu, hanga nematoki nedonzvo rekuvandudza raramo yavo.

Muzvare Beauty Jiji, avo vanove secretary-general wesangano iri, vanoti zvipfuyo zvakaita sehuku dzechivanhu nedzimwe shiri dzinochengetwa dzakaita sehanga zvakakosha zvikuru munyaya dzekusimudzira utano hwemhuri.

“Chinangwa chedu ndechekusimudzira varimi pamwe nekuti mhuri dzavo dziwane kudya kune utano kuburikidza nekuchengeta huku dzechibhoyi, matoki, hanga nemadhakisi. Tiri kuita izvi takanangana zvakare nekutsigira chirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset,” vanodaro.

Sangano ravo, vanodaro Muzvare Jiji, rinodzidzisa varimi kugadzira chikafu – chingave chehuku kana hanga – vachishandisa zvirimwa zvavo pamwe nemishonga yekurapa zvirwere zvakasiyana nenzira isingavadhurire.

Vanoti vari kushanda pamwe chete nebazi rezvekurima nekuvandudzwa kwemadiridziro uye vanoda kubatana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuitira kuti vana vadzidziswe kuchengeta huku dzechivanhu nekukosha kwadzo mukusimudzira utano.

Muzvare Jiji vanoti chishuwo chavo ndechekuti vawane makambani pamwe nevemabhanga anotsigira varimi mubasa ravo rekuchengeta zvipfuyo izvi.

Mutevedzeri wasachigaro wesangno iri, Mai Shirely Chingoka, vanoti varimi vari kutengesera huku, matoki pamwe nehanga kune zvimwe zvitoro zvikuru munyika muno uko zvinodiwa zvikuru.

Vanotizve vane tarirsiro yekuzotengesawo zvipfuwo izvi kunze kwenyika nekufamba kwenguva.

Mai Chingoka vanoti vari kushanda zvakare nedura guru renyika, reGrain Marketing Board (GMB), mukuwanisa varimi chikafu chezvipfuyo zvavo zviri nyore.

Share This:

Sponsored Links