‘Humhandara wakaisepi?’

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
‘Humhandara wakaisepi?’ court

Kwayedza

Blessings Chidakwa —
MUDZIMAI wekuLower Gweru — wekugara achizvindikitwa nemurume wake achimupomera kuri akamuroora asiri mhandara, nekudaro ave kuda mukadzi wechipiri — akazopotera kudare.

Sekiwe Revai akamhan’arira Simon Mamoya kuGweru Civil Court achiti aoneswa nhamo nekushungurudzwa.

“Atojaira kundirova nekundituka zuva nezuva achiti anoda kutsvaga mumwe mudzimai mhandara. Saka ndauya kudare hangu kuti rindidzivirire kwaari asati andikuvadza,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Murume wangu haachatodi kuchengeta vana achiti iye haachengete vana vepfambi sezvo akandiwana ndisiri mhandara.”

Achipawo divi rake, Mamoya anoramba kuti anoshungurudza mudzimai wake.

“Mambo wangu, ini handirovi mukadzi kana kumushungurudza sezvaanoreva asi kuti mudzimai ndiye anotondishusha achitiza pamba odzoka mushure memazuva maviri kana matatu izvo zvinova zvisingandifadzi zvoita kuti ndide hangu kutsvaga mumwe mudzimai wepiri,” anodaro.

Mutongi Elizabeth Magomore akapa Revai gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links