‘Hupenyu hunoda kutsungirira’

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Hupenyu hunoda kutsungirira’ Admire ‘Minister’ Sibanda (kuruboshwe) naNyasha Rambwiya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki ari kusimukira mumusambo wechitendero – Admire ‘Minister’ Sibanda (25) – anoti hupenyu hunoda kutsungirira pamwe nekuvimba naMwari sezvo iye akambosvika panguva yekufunga kuzviuraya mushure mekunge aomerwa nehupenyu.

Muchinda uyu achangobva kubura dambarefu rake rine nzimbo sere dzinoti Ndoziva Sei, Ndoda Vazive Mwari, Mwana Waamai, Zvaisava Nyore, I Declare, Ndazomuwana, Ndimbori Ani? naKudenga.

Sibanda anoti akafunga kupinda mune zvemimhanzi zvichitevera kutendeuka uko akaita apo akatanga kunamata Mwari.

“Kutaura chokwadi ndiri munhu akararama upenyu hunorwadza zvekuti pane dzimwe dzenguva ndaiona ndisingakodzeri kuti ndinge ndichirarama pano panyika nekuti apo neapo ndaingoti kudai Mwari vatora mweya wavo kana kuti ndizviuraye nekuda kwekushunguridzika nehupenyu. Asi, pandakaziva Jesu ndakawana donhodzo. Ndinopembera nekumukudza kuti nhasi uno matambudziko apera uye ndiye wandinoturira,” anodaro.

Sibanda anoti akakura achirerwa naamai chete sezvo baba vake vaisazivikanwa kwavaive vari uye zvakamutorera makore mazhinji kuti ange achivaronda.

“Ndakakura ndichirerwa mumhuri dzakasiyana zvekuti raramo yacho yairwadza zvichitevera mabatirwo andaiitwa apo amai vangu vakashaya. Ndakazoziva kwaiva nababa vangu asi marwadzo akaramba achingonditevera nekuti vakabva vangoshayawo zvakare mushure mekugara navo kwemakore maviri bedzi ndipo pandakafunga kuti kufa kwangu kwaive nani nekuti ndainge ndisati ndawanirwa nyasha,” anodaro.

Anoti kambo kanonzi Ndazomuwana kari pamusoro paJesu Kristu anove muponesi anodzikunura marwadzo anosanganikwa nawo muhupenyu.

“Jesu ndiye mudzikinuri wangu nemuponesi wangu saka ndinoimba ndichimutenda kuti zvino ndazomuwana. Handichikwira BP nematambudziko enyika nekuti ariko anondirwira. Kuzoti mune rwumbo rweChiRungu – I Declare – ndinoramba zvese zvakaipa kuti zvisanditevere ndichitevera Jesu wangu. Handichada upenyu hwematambudziko, hurombe, kushorwa nezvimwe zvinounza marwadzo nekuti ndinovimba kuti Mwari vaneni uye ndiri kuona budiriro muupenyu hwangu kuburikidza nekubata kwavo,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti mukambo Ndimbori Ani? anenge achipembedza Mwari achivarumbidza nekuda kweshanduko iri kuitika muhupenyu hwake.

Sibanda anoti anopinda chechi yeApostolic Faith Mission in Zimbabwe kunova kwaakawana zvakare kurudziro yekuti atange kuita zvemimhanzi uye ndiye anova command vocalist achitsigirwa naNyasha Rambwiya (backing vocalist).

Rambwiya anoti dambarefu ravo iri vakariimba nemwoyo unoda nokudaro vane chivimbo chekuti vatsigiri vavo vachawana nhapi-tapi.

“Zvakatitorera mwedzi mitatu izere kuti tinge tichibura dambarefu iri nekudaro tinovimba kuti richasandura upenyu hwevanhu nekuvapa tariro mumatambudziko avanosangana nawo vachitarisa mhinduro kuna Jesu. Ndinopa kutenda kukuru kunaamai vangu nyakutumbira Joyce Maddi vanova band manager nekutitsigira,” anodaro.

Sibanda anoti anopawo kutenda pamwe nekuyemura vaimbi vakadai saMichael Mahendere, Parks Gomo, Admire Nago naPastor Charles Charamba vanova vakaita kuti ane nechido chekuimba.

 

Share This:

Sponsored Links