Hurudza dzekwaMakoni pfacha kuStapleford

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NEMUSI wa30 Gumiguru varimi vekuWard 7, kwaMakoni, kudunhu reManicaland, vakakoromoka vakanaka kumuzinda mukuru wekuuchika mbeu, weSeed Co uri kuStapleford, muHarare.

Varimi ava vauya vakatsigirwa nenyanzvi dzevarimisi veAgritex vanoti VaKapiya, Mai Gwenukwenu naMai Ngorima avo vanoshandira mudunhu reMakoni.

Varimi ava vakatanga nekunopinda kubindu uko vakapangwa mazano nevarimisi veSeed Co pamusoro pemarimirwo echibage nedzimwe mbesa anopa pundutso.

VaSimbarashe Gotosa ndivo vakavhura chirongwa apo vakataura nezvembeu dzechibage. Vakatsanangura pamusoro pembeu yeSC 727.

Vanoti mbeu iyi “Murigadzose”, imbeu yamandorokwati uye ine goho rakakura rinosvika kumatani 21 pahekita imwe chete.

Vakaenderera mberi vachitaura zvedzimwe mbeu itsva dzakaita seSC 649 iyo inonzi ine kudya kwakanaka uye negoho rapamusoro. Vanokurudzira varimi kuti varege kuita makunakuna kuminda yavo nekudyara mbeu dzemudura.

VaGotosa vakapa muenzaniso wehanzvadzikomana nehanzvadzisikana vachiti hazvigone kuti varoorane. Kuvarimi tinoti pasi nekudyara mbeu dzemudura, aya ndiwo makunakuna.

Vakazoenderera mberi votsanangura kuuchikwa kwembeu uye nezvinotarisirwa kuti murimi anodawo kurima mbeu anoita sei. Varimi vakaudzwa kuti vanotangira pama hekita 20 zvichienda mberi, murimi anodawo kunge aine madiridziro uye chinhambwe nevamwe vanenge vachirima chibage chisiri chembeu.

Chatanda chekutaurisa chakazokandirwa VaMasimba Kanyepi, avo vakanga vatova nechidakadaka chekuda kutaura nevarimi.

Vakatanga kutaura nezvemhando huru dzemadomasi vchipakurira varimi zvose zvinodiwa kutariswa vasati vatenga mbeu yavo. Varimi vakakurudzirwa ku:

◆ ziva mazuva anoibva mbeu

◆ ziva kuti mbeu yakadzivirirwa kuzvirwere here.

◆ ziva mazuva anogara mbeu pasherefu yakohwewa

◆ ziva mwaka wekudyara mbeu

◆ ziva kwekutengesa mbeu kana wakohwa

Murimi akabata izvozvo zvinoita kuti azive mazuva ekudyara mbeu yake uye nekuziva kuti mbeu iyoyo inowanika kuSeed Co bedzi. Vakatsanangura zvedomasi rinonzi Pietrarossa iro ratekeshera nenyika yose asiwo kuManicaland richipiwa zita rekuti “Kadombo” nemhaka yekuti rinogara kwemavhiki matatu rakatsvuka uye risina kuipa.

Vakati rinoshingirira zvakanyanya panguva yemvura vakazoti mamwe anogona kudyarwa nguva yeZhizha ndiwo vana Chibli neVaquero.

Vakaenderera mberi nekupakurira varimi pamusoro pedzimwe mhando dzemumabutiro (greenhouse) seAlambra ndokuti iri rinoita zvakare kuridyara mumunda.

Vachibuda mudariro ndipo pakapindawo vekuManicaland, murimisi Clemence uyo akatsanangura nezveRape Rampart achiti rape iyi inotanga kutemwa mumazuva makumi maviri nerimwe yadyarwa. Kana yatanga kutemwa inoita mwedzi miviri muchingotanha. Padzinde rimwe rerape panobuda 2kg kureva kuti pahekita nehuwandu hunoita 60 000 madzinde panobuda magonyeti maviri emuriwo. Iyi imbeu yakauchikwa ichiwedzera kubva pane iya inonzi Hobson.

Waiva mutambidzanwa wevarimisi veSeed Co. Abie, uyo anobata ari paResearch ipapo akabva atsanangura nezvecauliflower iyo yaakati pane mhando inonzi Corato neSpace Star idzo dzakanyanya kunaka kurimwa panguva yekupisa nekuti dzinoviga vana vadzo kubva kuzuva zvoreva kuti mbeu iyi haichazokanganiswa nezuva.

Mukuru weProduct Development kuSeed Co, VaKudakwashe Mashanda vakabva vadedemura nezvehanyanisi. Zvaitsanangurwa zvekuti varimi vakanzwa manyukunyuku ekuda kurima.

Akazotaura pekugumisira ndiVaTatu, avo vanova maneja wemuResesrch apo vaitsanangura nezvemagaka emubutiro nezvepepper. Izvi zvakapa varimi shungu dzekuda kunorima nekuti hapana chavanoshaya, rungava ruzivo kana maitirwo azvo.

Varimi vakafara chose uye vakamutswa moyo kuti vade kunorima mbeu dzeSeed Co nekuti vanowana zvose zvinodiwa pakudzirima.

Vamurimisi veAgritex, VaKapiya vakadudzira kufara nekudzidza zvakawanda kusanganisira kukosha kwemahybrids, management yezvirimwa zvehorticulture uye kurima mhando dzemacabbage dzepamusoro.

VaGwenukwenu vakadudzirawo kuti varimi vatenge mbeu, kunyanya takatarisana nemwaka uno uyo unonzi uchanaya mvura shoma. Vakafarawo nekuzivawo mhando itsva dzemuriwo pamwe nekudyara mbeu dzakapesana kuitira kuti dzisaibvirana pamwe chete.

VaNgorima veAgritex vakatsinhirawo kuti zvakakosha kuti murimi ukagadzira ivhu rako nenguva, kuongororesa kutapira kwevhu, kana 23 tonnes neSC 727 inosvika.

Murimi VaWillie Rimai vanoti; “Nhasi tadzidza chaizvo. Tava kuziva kuti kana usina bindu mari ichakunetsa kuwana uye unoda kurima mahybrids nekuti ndiwo ane chokwadi pakuita mari yacho saka pano tadzidza tava kuda kunozviitawo kwedu kwaChiendambuya.”

Kutenda kukuru kunoenda kumukuru wedunhu reManicaland, Mai Rwambiwa (DCLO) avo vakatendera varimi vavo kuenda kuStapleford kuti vanozvionera voga. Toenda zvakare kuMakoni District Office totenda VaChipere nekutipa varimisi vanoshingairira kuita basa rakanaka ikoko. Mose nevatisina kudura nemazita avo tinokutendai zvikuru.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu . . . nekuti sadza reSC 727 rinonyanya kunaka kana rodyiwa nemuriwo werape Rampart ine Saturn onion nedomasi rePietrarossa.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey