Hurumende yovandudza madiridziro

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Hurumende yovandudza madiridziro Rtd Air Chief Marshall Perence Shiri

Kwayedza

Tandayi Motsi
Hurumende iri mushishi kuvandudza zvirongwa zvemadiridziro munyika yose nechinangwa chekuti varimi vawane mvura yekushandisa inokwanirana zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze  apo dzimwe nguva mvura isiri kunaya zvakaringana.

Mashoko aya akataurwa negurukota rebazi rezveminda, kurima nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa, Retired Air Chief Marshall Perence Shiri apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, Cde Chinotimba vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende kuitira kuti varimi, zvikuru vekumapurazi makuru, vange vachiwana mukana wekushandisa madiridziro.

“Mubvunzo wangu ndewekuti kunze kuri kupisa zvikuru uye mazuva mashoma adarika mvura yakanaya kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Muchabatsira sei varimi vekumapurazi makuru kuitira kuti vave nemadiridziro, zvikuru mukuvakwa kwemadhamu kuitira kuti kana mvura ikanaya iri shoma vanokwanisa kudiridza zvirimwa zvavo?” vanodaro Cde Chinotimba.

Cde Joseph Chinotimba

Rtd Air Chief Marshall Shiri vanoti Zimbabwe ine madhamu nenzizi dzakawanda izvo zvinokwanisa kubatsira zvakanyanya munyaya dzezvirongwa zvemadiridziro.

“Tinoda kuti tishandise mvura yemumadhamu nemunzizi iyi muzvirongwa zvemadiridziro.

“Sebazi, tiri kuita hurukuro nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuitira kuti tiwane mari tigobatsirana nedzimwe nyika mukuvandudza madiridziro agara aripo, zvikuru kumadhamu ayo ange ave nenguva yakareba asiri kushandiswa nekuda kwekuzara jecha zvichikonzerwa negukuravhu. Tiri kuziva dambudziko iri uye tiri kuri gadzirisa.

“Tiri kushanda pamwe chete zvakare nemamwe mapoka ekune dzimwe nyika ayo ari kuti batsira mukupedza dambudziko iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey