Hutsinye hwaCindy

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa madingindira anobuda mumutambo uyu.

Hutsinye:

Cindy anoburitswa aine hutsinye chaihwo achiramba kuchengeta vamwene vake achiti havasirivo vakamubereka. Cindy anorambidza vamwene vake kuti vagare mumasofa akanaka achiti ngavagare pamatsaru nekuti vaizadza bute mumasofa, anovarambidza kuona chivhitivhiti chakanaka achiti vaone kadiki kanoburitsa mifananidzo michena nemitema uye kuvati vanorara kukoteji achida kuti shamwari dzake dzirare pavaisirara mazuva ese. Cindy naLaiza vanoronga mazano ehutsinye ekuti vaisire VaHaruna muchetura mumakeke kuti vafe vagosara vachigara zvakasununguka.

Rudo:

Panenge paine rudo pakati paRuvengo naCindy. Rudo rwaCindy rwunenge rwuchiratidza kuti rwave kunopera sezvo anenge asisina hanya nemba sezvo murume anenge ave rovha. Ruvengo anenge aine rudo nemhuri yake kusanganisira amai vake, VaHaruna avo vaaida kugara navo. Maggie anenge aine rudo nambuya vake, VaHaruna zvinove zvinomurwadza kuona vachishungurudzwa naCindy.

Kushoropodza huori:

Tinonzwa Ruvengo achiudza Kumbie kuti akanga adzoserwa pabasa nekuti panguva yaakashandira hurumende haana kumbobvira aita mabasa ehuori anove aivengwa nemukuru wenyika. Tinonzwa achiti, “. . . purezidhendi ukashanda navo usingaite huwori mawirirana, haikona ukaita huwori, matopesana kusvika mugomba chaimo. Vazhinji vedu vakasiya mabasa nekuda kwehuwori, voita mudya namaviri semakudo mujiri. Vaya vanoti mari yepeyi neyehuwori hwavo pakadai havadzoserwi muhofisi.” p.53.

Cindy anoedza kupa mapurisa anenge auya kuzomusunga kumba kwake mari yakawanda asi vanoramba vachiti havaite zvechiokomuhomwe.

Matanho anotorwa naCindy kuti VaHaruna vabve pamba pake nezvikoniso zvacho:

Cindy anoramba kuchengeta vamwene vake. Tinonzwa achiudza Ruvengo kuti haana kugomerwa naVaHaruna saka haadi kuvachengeta. Zano iri rinokona nekuti Ruvengo haazvitori nemwoyo wese. Anongotarisawo osiya.

Cindy anokiya musuwo achienda nemakiyi achisiya Mbuya Haruna vakagara pasi pemuti wemujakaranda vachinzwa redhiyo — koniso yacho ndeyekuti VaHaruna, Tsitsi naMaggie vanomumirira vakagara pavhuranda kusvika adzoka.

Kunyepedzera kurotomoka seari kuhope achiudza Ruvengo kuti amai vake vari kuda kumuurayira mwana. Apa anenge achida kuti Ruvengo adzinge amai vake pamba apa sezvo aiti muroyi – Ruvengo anozvitora sezvisina kukosha zvekumuparadzanisa namai vake.

Kuudza Ruvengo kuti VaHaruna ngavadzokere kuDharuweni – zvinobuda husiku hwaanonyepera kurotomoka ndokuudza murume kuti amai vake ngavadzokere kuDharuweni nekuti vane gona rehuroyi. Danho iri rinokona nekuti Ruvengo anongoti ndazvinzwa asi hapana zvaanoita kuzadzisa zvido zvaCindy.

Kutyisidzira Ruvengo achiita sekuti ave kuda kunorova VaHaruna — tinoona achikakatirana naRuvengo achiti aida kuenda kunokwapaidza VaHaruna nekuti vairoya. Ruvengo anongomutarisa pasina zvaanoita achibva arega.

Kunyepera kurwadziwa nemusoro achiti ndiri kuita sekunge mwoyo wangu uri kugochwa chaizvo kuti zvinzi ari kuroyiwa naVaHaruna — Ruvengo anongomutarisa.

Kugadzira chinhu chaiita sechikwambo ndokuchikanda pedyo nemusuwo wemba yavo yekurara — aida kuti zvinzi amai vaRuvengo vanoroya uye ndivo vane chikwambo ichi. Zano iri rinoramba zvakare nekuti Ruvengo haana kutendera mazviri. Kutyisidzira murume kuti amai vake vachamuparira — anoudza Ruvengo kuti nerimwe zuva amai vake vachazomuparira uye munhu akaipa chose. Zano iri rinokona nekuti Ruvengo anozviramba.

Anosuma amai vake, Laiza kuti VaHaruna vaimunetsa chaizvo nekusada kubva pamba pake — danho iri rinoramba kutambirwa naZariro.

Anorambidza VaHaruna kuti vagare pamasofa akanaka achiti vanozadza bute pamwe chete nekuvarambidza kuona chivhitivhiti chikuru achiti vaone chidiki chemifananidzo mitema nemichena – zvinokona nekuti VaHaruna vanongotevedzera zvaakataura pasina pokano.

Kutambira makeke ane muchetura unouraya makonzo kubva kuna Laiza kuti ape VaHaruna vabva vafa — zvinokona nekuti Tsitsi anorasa keke raida kushandiswa kupa VaHaruna racho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey