Huya Zupco, kombi baya!

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino Hurumende yakatora danho rakakosha zvikuru rekudzosa mabhazi eZimbabwe United Passenger Company (Zupco) kuti atakure veruzhinji pakuenda nekudzoka kumabasa zvose nekufamba dzimwe nzendo. Danho iri rakananga kurerutsira veruzhinji uye rinotambirwa nemufaro mukuru nevanhu vange votambura nekukwidzirwa mari pakufamba nemakombi. Izvi zvinotevera kukwidzwa kwakanyanya kwange kwaitwa mari nevemakombi zvichisiya veruzhinji vachigunun’una.

Asi kuvamba nemusi weMuvhuro uno, Hurumende yakatora danho rekurerutsira veruzhinji pakufamba. Mabazi eZupco achibatsirana nemamwe mabhazi makuru emakambani akasiyana ari kutakura vanhu kubva kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira Chitungwiza, Epworth, Domboshava, Budiriro, Mabvuku, Kuwadzana neNorton nemari dziri pakati pe$1 kusvika pa$2. Miripo iri kubhadhariswa vanhu nevemabhazi makuru aya yakareruka zvikuru kana ichienzaniswa neyaibhadhariswa nevemakombi.

Semuenzaniso, mabhazi makuru asati atanga kufamba, vemakombi vaibhadharisa mari inosvika $8 parwendo rwumwe chete kubva kuChitungwiza kupinda muguta reHarare. Asi mabhazi eZupco ari kubhadharisa $1,50 kubva kuChitungwiza kusvika muHarare. Zviri pachena kuti vemakombi havana chido nevanhu vavanofanirwa kutakura asi kuti varipo kungoda kuvarozva mari yavo shoma yavanenge vadikitirira. Iko kusanyara, vemakombi pavakaona mabhazi eZupco nemamwe makuru apinda mumugwagwa kutakura vanhu vange vochema-chema, ivo vakabva vadzikisa mari dzavanobhadharisa.Mubvunzo mukuru ndewekuti chakamboita kuti vemakombi ava vabhadharise mari inosvika $8 parwendo rwekuenda kuChitungwiza chii uye sei iye zvino vave kubhadharisa $1,50 kana $1?

Zvoreva kuti vanhu ava vange vachingota mazipurofiti akakurisa asi panguva imwe chete vachirwadzisa veruzhinji.

Veruzhinji havafanire kunyengedzwa kana kuda kubatwa kumeso nevemakombi nekuti chakachenjechedza ndicho chakatanga.

Vemakombi vange vachitoita madiro aJojina chaiwo vachitora veruzhinji kunge vanhu vavo. Vange vachingokwidza mibhadharo yepakufamba pavadira, sokuti kana kukangonaya votokwidza mari. Kunaya kwemvura kunei nemari dzemabhazi? Hakunai maitiro ebhizinesi akadai ayo asingakoshese makasitoma. Vemakombi zvakare ndivo vane mukurumbira wekushanda nemahwindi ayo anoshungurudza veruzhinji kuburikidza nekuvamanikidza kuti vakwire mota dzavanenge vasingade, kuvarova kana kutambudza vanhukadzi. Mahwindi ane katsika kekutuka vanhu zvinyadzi, kushaya hunhu kuita sevanhu vakangofanana nemhuka.

Kunyangwe pazviteshi zvinokwirirwa makombi, hauzi huchapa huripo. Makanzuru atambura navo. Mamwe emahwindi aya vane katsika kekuitira weti muzvigubhu, voisa pamusoro pezviteshi zvinokwirira vanhu dzimota kana kukanda pasi chaipo zvichizoita kuti kana chigubhu ichi chikatsikwa nemota, weti irimo inotushuka ichienda kuvanhu.

Zviteshi zviri kushandiswa nevemakombi pari zvino ndizvo zvaishandiswa neZupco. Nokudaro zvichitevera kudzoka kwemabhazi makuru aya, vemakombi vanofanira kuziva kwekuenda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>