Uncategorized

‘Huyai tidzokerane mai mwana’

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
‘Huyai tidzokerane mai mwana’

Kwayedza

MURUME ane mudzimai wekuHighfield, muHarare, wekuvhiiwa dumbu rainge rakakurisa sezvinonzi ane pamuviri kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital ndokuburitswa chinhu chairema 25 kgs, uyo akambenge atiza mukadzi wake nekuda kwehurwere uhu, ava kuti anoda kudzokerana nemukadzi wake.

Murume uyu anonzi ainge atiza mudzimai wake, uyo waaine vana naye, mushure mekunge mukadzi uyu aramba achingofutunuka dumbu zvekusvika pakutotyisa.

Asi mushure mekunge nyaya yemukadzi uyu yaburitswa neKwayedza, Mai Portia Tapfumanei (35) vakazovhiiwa pachena kuchipatara cheChitungwiza “mimba” yavaine vagara nayo kwemakore mana ndokuserera.

Panguva yairwara mudzimai uyu, murume wake, Wellington Jambwa, akatiza pamba achinzi aiti haainzwisisa denda remukadzi wake.

Zvisinei, achiona kuti mukadzi uyu abatsirwa, Jambwa akabuda pachena kuti ave kuda kudzokerana nemudzimai wake kuti vachitanga kugara “upenyu hutsva”.

“Kwaiva kutambura kwakanga kwaita kuti ndisiyane nemudzimai wangu uyewo ndaisava nemari yekuti ndimurapise. Mukadzi wangu ndinomuda, onai tine vana vanga vave kutambura nekuda kwekusiyana kwedu.

“Mudzimai wangu ari kumba kwavo kubva paakabuda kuchipatara, asi mukoma vangu vakataura navo madzitezvara vakati vambotichengetera vachipora. Tichamutora kana aita zvakanaka,” akadaro Jambwa.

Mai Tapfumanei vanoti pari zvino vave kunzwa zviri nani zvikuru zvichitevera kuvhiiwa kwavakaitwa.

“Ndave nani zvangu asi imwe nguva kudya kuri kunetsa kumedza, ndakanzi ndidye chikafu chakatetepa,” vakadaro.

Mudzimai uyu akati hapana chakaipa kuti adzokerane nemurume wake.

“Kana afunga izvozvo tichaona zvaanenge aronga, hazvina kuipa.”

Zvichakadai, vamwe vagari vemuHighfield vari kubatsira mudzimai uyu, vanosanganisira Mai Constance Guyo (47) naVaCharles Chikosha (54), vane homwe yemari yavakaumba.

Mumwewo mudzimai wekwaMutake kuDomboshava aive nedambudziko rimwe chete rekuzvimba dumbu, Mai Maidei Nemhara (48), avo vane nyaya yakaburitswa zvakare mubepanhau rino nguva yadarika, vakavhiiwawo ndokuburitswa chinhu chairema 15 kgs.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, nguva yadarika vakati vakabatsira madzimai aya mushure mekuverenga nyaya yavo muKwayedza.

Vanoti matambudziko akadai anosangana nevanhukadzi vane chitsama.

Mumwezve mukadzi anopinda chechi yechipositori kuNorton, Madzimai Josephine “Mensista” Chavhunduka, akabuda muKwayedza yemusi wa22 Nyamavhuvhu aine zidumbu rakakurisa. Anonzi achiri kubatsirwa nechipatara chimwe chete ichi. Dr Moyo vakayambira vanhu kuti vasamhanyire kufungira kuti vakaroiwa kana vasangana nematambudziko akadai asi kuti vaende kuchipatara kana kukiriniki nekukasika.

Share This:

Sponsored Links