Hwindi ‘akawachiswa’ nemukadzi

15 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Garnet Zvimba
HWINDI wekuti akatizwa nemukadzi wake nekuda kwehurombo akaudza dare kuti haakwanise kuriritira mhuri yake sezvo pari zvino zvechihwindi zvisiri kubhadhara.

Givemore Chikwarira akachema-chema muHarare Civil Court mushure mekunge aendeswa ikoko naSandra Mutandwa, uyo aida $100 yekuchengeta vana vavo.

“Chikumbiro changu kudare kuti murume uyu andipe mari yekuchengeta mhuri.

“Handiendi kubasa ndakangogara pamba saka ndinoda mari yekubhadharira vana chikoro nekutenga chikafu.

“Anoita basa rehuhwindi, pataigara tose aiuya ne$10 zuva roga-roga saka tinofanira kuti titsemurane nepakati mari iyoyo,” akadaro Mutandwa.

Achipawo divi rake, Chikwarira akati mazuva ano haasi kuenda kubasa nekuda kwekuti mapurisa ari kudya marasha, havasi kuda kuona vanoita zvechihwindi muguta.

“Changamire, mazuva ano handisi kusevenza. Ndakasungwa nemapurisa ndikayambirwa kuti ndimire kuita zvehuhwindi saka hapana kwandiri kuwana mari. Ndingatokwanise kumupa $20 pamwedzi.

“Ndine vamwe vana vaviri vanoda kuchengetwa neni pamwe chete naamai vangu vanogara kumusha avo vakura, nemunhu anofudza mombe.

“Chiri kundishamisa ndechekuti ave kuuya kudare achiti anoda kuchengetwa neni asi ndiye akanditiza achiti handikwanisi kumuchengeta, ndiri rombe. Zvino ava kudei kurombe raakatiza?” akadaro Chakwarira.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Chikwarira abvise $35 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links