Uncategorized

Hwindi ari kukanga waya . . .‘Ndakaiswa runyoka’

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Hwindi ari kukanga waya . . .‘Ndakaiswa runyoka’ JEPHREY Manikayi achitsanangura dambudziko rake. Mufananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

JEPHREY Manikayi achitsanangura dambudziko rake. Mufananidzo: Memory Mangombe

JEPHREY Manikayi achitsanangura dambudziko rake. Mufananidzo: Memory Mangombe

MURUME anogara kudzimba dzemudurikidzwa dzeMatida, kuSakubva kwaMutare, ari kukumbira rubatsiro kubva kuruzhinji zvichitevera kusungwa kwaanoti akaitwa nerunyoka kana kuti rukawo zvekusara ava murume pasina.

Jephrey Manikayi (32), uyo aiva akaroorana nemudzimai wake wemakore 27 uyo waakasiyana naye, anoti ave kugara upenyu hunosuwisa zvichitevera kushereketerwa uko anoti akaitwa.

“Munhu wose wechirume kuti azvirove dundundu hunge achikwanisa kuva murume chaiye. Ini ndakawororwa, handizive kuti nani nekuti ndangova wezita chete.

“Ndinokumbirawo vanobatsira nekuti ndichiri mudiki, ndinoda kuroora zvakare. Mukadzi wangu ndakarambana naye tiine mwana mumwe chete,” akadaro Manikayi apo akauya kuzotura chichemo chake kumahofisi eKwayedza.

Murume uyu anoti akaroorana neaimbova mudzimai wake mugore ra2006 ndokuzorambana muna2012 nekuda kwehurombo uye kusavimbika.

Anoti panguva iyi mari yaimunetsa zvikuru uye anopomera aimbove mudzimai wake kuti akange ave kuita zvegumbo mumba gumbo panze.

Manikayi, uyo anova hwindi pamusika wemabhazi weOld Dangamvura kumakombi anoenda kuChipinge, anoti hazvina mubvunzo kuti akagadzirwa nerukawo.

“Ndakaiswa rukawo uye kwandinofamba ndichibvunzira zvinhu izvi zvinonzi zvakaitwa neshamwari dzangu, vanhu vandaitamba navo maMutare uye vane mbiri.

“Dambudziko iri rakatanga mudzimai wangu achiripo, apo masahwira angu aya aiita seaidanana nemudzimai wangu. Vamwe vacho vaiuya kwandiri vachinditi sei ndaiva ndakaisa mudzimai wangu rukawo ini ndichivati handina kumbodaro,” akadaro Manikayi.

“Ndakafamba kumaporofita akawanda vakanditi ndakashandisirwa banga reOkapi, iro rakaiswa mvura yepanhengo yembwa hono.”

Manikayi anoti dambudziko iri rakazonyanya mumwedzi waNyamavhuvhu gore rapera.

“Zvisinei nekurambana uko takaita nemudzimai wangu, tanga tichimbopota tichionana tichibiridzira.

“Pandakagumisira kusangana naye gore rakapera pakaitika mashura apo iye akabuda makonye nemvura yakasviba.”

Manikayi anoti ane fungidziro yekuti mukadzi wake ndiye akamusunga pamwe chete nezvikomba zvake kuti vakwanise kusasana zvakanaka.

“Chinondinetsa ndechekuti vamwe varume ava, shamwari dzangu, vakazoguma vave kudanana nemudzimai wangu. Vakandiitira hutsinye uye iye zvino vave kuda kuti ndidzingwe pamusika nekuda kweruvengo rwekudanana nemukadzi wangu,” akadaro.

Anoti amai vake pamwe nehanzvadzi yake vanoziva dambudziko iri.

“Dambudziko iri amai vangu, Masyline Manikayi, nehanzvadzi yangu Alice Manikayi, vanoriziva. Vanotoshayawo kuti vodii nekuti muroora nevazukuru vanovada,” akadaro.

Rukawo kana kuti runyoka mishonga inoshandisirwa munhurume kana mukadzi kuitira kuti kana akangoshereketa nemumwe asiri mudiwa wake, vose vanenge vashinha ava vanorwara nematenda asinganzwisisike, kunyanya esikarudzi.

Murume uyu anobva kwaChivi, kuMasvingo uko anoti ari kuronga kumboenda kunobatsirwa nehama dzake.

Share This:

Sponsored Links