Ibenzi regwai rinofura paruware mafuro ariko

29 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MANHERU ezuva reAfrica Day ndakazvitandadza nokuona mharidzo dzavafundisi vemakereke akasiyana-siyana.

Rimwe DVD randakaona raive remharidzo yakaitwa nemufundisi ave nemukurumbira munyika yedu nedzimwe, Prophet Emmanuel Makandiwa veUnited Family International Church. Kana newewo, ukaona musoro weDVD unotoda kunzwa kuti zviri kunzi kudii.

Musoro unoti: “Usarega muroyi achirarama!” Imharidzo yakambovhundutsa vanhu nokuti vakafunga kuti Prophet Makandiwa vave kuzviisa pamusoro pemurawo wenyika, asi ivo vakati aya akange asiri mashoko avo, asi kuti Mwari pachavo mubhuku yaEkisodho 22:18 ndivo vakapa mutemo iwoyo kumunhu wavakange vati atungamire vana veIsiraeri kubva muunhapwa kuenda kunyika yeKenani ine uchi nemukaka.

Pakambozengezana nyaya iyi, vanhu havana kuzivawo kuti imharidzo yavakaita kumusangano weAFM (Zimbabwe), mumusha weChitungwiza.

Vave pakati pemharidzo, Prophet Makandiwa vakataura mashoko andakaona kuti anodyidzana zvikuru nemhemberero dzeAfrican Union kunyanya chinangwa chiri muna sachigaro wesangano iri, President Mugabe.

Zvanzi naProphet Makandiwa, “Ibenzi regwai rinofura paruware mafuro ariko.”

Mumashoko iwaya ane kakutuka nekakusvora ndimo mune nyaya iri kunzi Africa inochema urombo nokushaya, asi nyaya yokuvandudza zviwanikwa – zvirimwa, zvicherwa, vanhu vacho nezvimwe (beneficiation nevalue addition) – zviri izvo zvichasvitsa Africa murugare.

Mhuka inonzi hwai, imhuka isingapaparike sembudzi. Vakambosangana nazvo vakaona kuti mbudzi inotambura sei kana yaisa musoro mugaba kana muchirongo. Unoona yave kungosvetuka-svetuka apa haisi kuona.

Asi, kana iri hwai nokupfava kwayo, unotoda kusimba. Hwai inochekwa pasina kuchema zvinoitwa nembudzi.

Pakashaya mufudzi akachangamuka ndipo paunozoona yave kunofura paruware pasina uswa, asi mafuro azere. Mambo Dhavidhi muBhaibheri ndivo vakanyatsonzwisisa nyaya yehwai – inotoda kufudzwa “nokuvatiswa pamafuro munyoro”, no“kusesedzwa pamvura inozorodza.” (Mapisarema 23)

President Mugabe pavakatura mashoko avo sasachigaro vakayeuchidza vatungamiri nezvizvarwa zveAfrica kuti Africa ngaisaita sebenzi regwai nokufura paruware asi nzira dzebudiriro nokusimukira dziripo, nokuti Africa inofanirwa kutengesa zvinhu zvakavandudzwa nokukwenezverwa panze pokusiya nyika dzokunze dzichitora zvicherwa nezvirimwa, vonozvigadzira, Africa yozozvitenga nemitengo yapamusoro-soro.

Donzvo rebudiriro rakatarisanwa naro reAgenda 2063, rinobudirira bedzi kana Africa ikabva paruware pasina chinhu, yoenda kumafuro.

Dzokororo ine simba. President Mugabe vakati: “Africa is richly endowed with vast natural resources . . . As Africans, we must leverage these abundant and diverse resources for our benefit. Time has come to industrialise our economies and move away from the continual exportation of our raw materials at very low prices for beneficiation and value addition in other continents, only to return to Africa as finished goods at very high prices.”

Hazvisi zvokuti Africa haikwanisi kuzviita,asi chiripo ndechokuti chiono ngachive cheAfrica vanhu voisa pfungwa nemaziso paAgenda 2063, pane kuda kuti dzimwe nyika dzirambe dzichipunduka nezvinobva muAfrica.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey