ict: Kumaruwa vari kuidzidzawo

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
ict: Kumaruwa vari kuidzidzawo

Kwayedza

CDE Win B.J. Mlambo

CDE Win B.J. Mlambo

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba akananga kuona kuti zvikoro zviri kumaruwa zvisasaririre panyaya yekuti vana vadzidze vachishandisa makombiyuta kuti vafambirane nenguva. Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rezvemichina yekufambiswa kwemashoko neposvo, Cde Win B.J Mlambo, mudare reSenate nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMatebeleland South mudare iri, Senator Sithembile Mlotshwa.

Sen Mlotshwa vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende mukusimudzira kudzidza kwevana kuburikidza nemakombiyuta (ICTs) kuzvikoro zviri kumaruwa.

Cde Mlambo vakati kunyangwe zvazvo bazi ravo riri iro rinoona nezvemichina inofambisa mashoko munyika, kusanganisira makombiyuta, ibasa rebazi redzidzo yepuraimari nesekondari kuona kuti ndezvipi zvidzidzo zvingaitwa kuburikidza nekushandisa makombiyuta.

Vakati muzvirongwa zvose zvavari kuita vachange vachishanda pamwe chete nebazi redzidzo iri, iro rinofanira kuve rinenge riri pamberi munyaya dzekuti vana vadzidze vachishandisa makombiyuta nemimwe michina inofambisa mashoko.

Bazi ravo, vakadaro Cde Mlambo, riri kupa zvekushandisa mumakamuri anodzidzirwa makombiyuta (computer lab) pachikoro chimwe chete mudistrict yoga-yoga kumaruwa, zvichienderana nekuwanikwa kwemari kubva kubazi rinoona nezvehomwe yenyika.

“Tiri kuona zvakare kuti zvikoro izvi zvakwanisa kushandisa dandemutande (internet) kuburikidza neZANet maringe nekuzvipira nebasa ravo. Mitengo yavo yakaderera zvikuru uye inyanzvi muzvirongwa zvekuisa dandemutande muzvikoro,” vakadaro.

Cde Mlambo vakati bazi ravo riri kudzidzisa varairidzi zvakare nyaya dzine chekuita neICTs richibatsirana nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

“Tiri kushandawo nemamwe makambani akazvimirira ari kuita zvirongwa zveE-learning nechinangwa chekusimbaradza kudzidziswa kwevarairidzi kumativi mana enyika,” vakadaro.

Vakaenderera mberi vachiti bazi ravo ravo rine chishuwo chekuti zvikoro zvekumaruwa zvinenge zvichishandisa dandemutande zvinge zvichibhadhara mari iri pasi peUS$50 pamwedzi nekuti zvakawanda zvacho zvinosangana nematambudziko ekushaya mari.

Cde Mlambo vakati kune zvimwe zvikoro zvisingakwanise kushandisa dandemutande nekuti kunzvimbo kwazviri hakunai michina inoita kuti masai-sai asvikeko, nekudaro bazi ravo riri kuita hurukuro nePotraz kuti ishandise homwe yeUniversal Services Funds (USF) mukuisa michina iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey