Idya mari necabbage . . . zvinotanga nembeu kwayo

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Idya mari necabbage . . . zvinotanga nembeu kwayo Cabbage

Kwayedza

Bright Musakanda

NHOROONDO yechirimwa checabbage (brassica olracea var capitata) inobva nekunyika dzeEurope uko kwararimwa kwemakore anodarika 2 500 richiitwa muriwo. Cabbage rinokwanisa kudyiwa rakadaro, riri mbishi, rangovhaidzwa nemvura chete kana kuti rakangwa nemafuta uye rinopa kudya kwakakwana uko kunovaka muviri, kunyanya Vitamin C nemamineral.

Chekutanga kuziva:

◆ mhando ye macabbage ekurima zvichienderana nemusika watinenge tinawo

◆ kuva neruzivo pamusoro pembeu yatinenge tasarudza kurima

◆ kuva neruzivo pamusoro pezvekushandisa zvingadiwa (inputs) kubva pakudyara kusvika pakukohwa, zvichienderana nendima inoda kurimwa

Ndinotanga nekubata pamusoro pembeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro (hybrids) dzemacabbage idzo dzinowanikwa kuPrime Seed Co.

Fabiola F1 — mbeu iyi inoita mazuva 65 iri mumunda uye haibatwi nezvirwere zvakaita seblack rot nefusarium yellow. Huremu hwacho hunotambira pa5kg uye rinenge riine ruvara rweblue-green.

Delight F1 — inoita mazuva 75, haibatwi nezvirwere zvakaita seblack rot uye inogara nguva refu yaibva asi iri mumunda isati yakohwewa. Rinotambira pa5kg pahuremu uye rine ruvara rweblue-green.

Triperio F1 — inoita mazuva ari pakati pe75 ne80 kuti iibve, inoshingirira pazvirwere zvakaita seblack rot, fusrium wilt uye zvipembenene zvakaita seMathrips neDiamond Back Moth (DBM). Pakurema rintambira pa5kg, riine ruvara rweblue-green.

Escazu F1 — inoita mazuva 80 uye inoburitsa vana vakaenzana, vasingabatwi nezvirwere zvakaita seblack rot, fusarium yellow uye chipembenene cheDiamond Back Moth. Rinorema 4kgs uye rine ruvara rwegrey-green.

Corton F1 — rinoita mazuva 80 uye haribatwi nechirwere cheblack rot. Pakurema rintambira pa5kg, riine ruvara rwegrey-green.

Drumhead, Copenhagen market and Chinese Granat ndedzimwewo mhando dzinowanikwa kuPrime Seed Co kunyangwe zvadzo dzisiri mahybrids asi dzinorimika zvakanaka. Uremu hwadzo hunotangira pa1kg kusvika pa3kg dziine ruvara rwegreen.

Mamiriro ekunze nevhu:

Cabbage rinorimika zvakanaka mwaka yose yegore kusanganisira munguva yechando nemhaka yekuti harirohwi nechando.

Rinofarira ivhu rakaregedzera zvakanyanya zvekusvika pa600mm (well drained loamy soils). Harinyatsokura zvakanaka muvhu rinonyanyovava (acidic), rinoda ivhu rinotapira kana kuvava (soil PH) zviri pakati pe5.5 kusvika pa6.5

Kudyara mhodzi:

Mhodzi dzemacabbage dzinokwanisa kudyarwa mumatireyi anenge akayangarara pamusoro pemvura.

Kana tichishandisa mhando yematireyi, tinoisa murakwani wakaongororwa (gromix ) mumatireyi, tobva taisa mhodzi dzemacabbage mukakomba etireyi.

Matireyi aya tinogona kuaisa padara topota tchidiridza makuseni, masikati nemanheru.

Mumvura yatinodiridzisa ndimo matinoisa fotereza inonzi quick start (15g) kamwe pavhiki kwemavhiki mana kana mashanu.

Pavhiki retatu kana rechina, tinofanirwa kunyima nhondo dzinenge dzabuda mvura kuti dzisimbe (hardening).

Tinogona zvakare kutora matireyi ataisa murakwani nemhodzi toayangararisa pamusoro pemvura muchigomba chidiki (small pond) chatinenge tagadzira ndokunge tisingadi kushandisa mhando yepadara.

Tinoisa fotereza inonzi float fert inoita 110ml pamatireyi gumi mumvura inozoyangarara mumatireyi.

Fotereza iyi inowedzerwa mumvura kamwe chete pavhiki kwemavhiki matatu.

Pavhiki rechina hapaiswi fotereza, ndiko kutosimbiswa kwenhondo (harderning).

Kusimbiswa kwenhondo kunoitirwa kuti patinozonodzisima mumunda dzibate zvakanaka.

Kusima nhondo:

Kusimwa kwenhondo dzemacabbage kunofanira kuitwa muvhu rakanyorova.

Pahekita imwe chete tinofanira kusima nhondo dziri pakati pe30 000 kusvika 40 000. Upamhu (spacing) kubva pamumwe mutsetse kuenda pamumwe (inte-row) hunofanirwa kuva pakati pe60 kusvika 90cm.

Kubva pane rimwe dzinde kuenda parimwe panofanira kufara pakati pe40 kusvika 70cm. Mushure mekusima nhondo tinofanirwa kudzidiridza.

Fotereza:

Varimi vanokurudzirwa kuti vaendese ivhu ravo kunanamazvikokota vanoriongorora kuti vagoziva fotereza inodiwa nevhu ravo (soil analysis).

Nhondo dzemacabbage dzinosimwa nefotereza yeCompound C iri pakati pe600 kusvika 1 000kgs.

Pakati pevhiki mbiri kusvika kusere, dzinozoda kuiswa fetereza yeAmmonium Nitrate inosvika 400kgs asi inofanirwa kuiswa muzvidimbu zvitatu (3 split applications).

Madiridziro (irrigation):

Mvura yose inodiwa necabbage inosvika 440mm. Munguva dzechando rinofanirwa kudiridzwa nemvura inoita 10 kusvika 15 mm pavhiki pamavhiki matatu ekutanga, mushure rozodiridzwa ne25mm pavhiki. Muchirimo anoda 20 kusvika pa25mm pavhiki kwevhiki nhatu dzekutanga, mushure rozodiridzwa ne40 kusvika 50mm pavhiki.

Kukohwa:

Misoro yemacabbage inotemwa kana ichinge yasimba uyezve pakutema mashizha ekunze anofanirwa kusiiwa aripo kuti achengetedze cabbage remukati parinenge richitakurwa kuenda kumusika.

Maguni anosara pakutema anofirwa kuparadzwa kuitira kuderedza kuberekana kwetumbuyu nezvirwere mumunda.

Bright Musakanda murimisi wePrime Seed Co kuMasvingo. Munomubata pa: 0777 306 020

Share This:

Sponsored Links