Idya mupunga neminzi

0

Muchaneta Chimuka

MINZI kudya kwemazera ose sezvo kuri nyore kutsenga uye dzine mapuroteni ayo akakosha pautano hwemuviri.

Svondo rino Juliana Tafirei wekuKwekwe anorondedzera mamwe mabikirwo ehusavi uhu.

Zvinodiwa:

Minzi, mafuta, munyu, matomatisi, hanyanisi, godzamuto nepani

Mabikiro:

Isa minzi mupani, woisa mvura shoma nemunyu wakaringana.

Chekerera hanyanisi nematomatisi.

Isa mafuta mashoma nekuti minzi dzagara dziine mafuta adzo nakare.

Chiisa godzamuto wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi.

Kana dzaibva, dzinoita muto wakakorera.

Wozodii?

Bura wochidya nemhuri. Minzi dzinodyiwa nemupunga kana nesadza jena, rezviyo, remhunga kana remapfunde.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share.

About Author