Idya sadza nezondo

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Idya sadza nezondo Mazondo

Kwayedza

MAZONDO emombe anonaka zvikuru uye anofarirwa nevakawanda sezvo achinzi anosimbisa musana. Svondo rino, Precious Gunundu wekuKwekwe anotsanangura mamwe mabikirwo emazondo.

Zvinodiwa:
Poto, chikari, mvura yakachena, munyu, mazondo akaparwa akachekwa.

Mabikirwo:
Tora mazondo woasuka nemvura inopisa kuti anyatsochena wogadza chikari.
Isa mvura yakawanda, woisa mazondo imomo.
Siya zvikwate kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura.
Ramba upindura-pindura kuti asatsviririre.
Kana ave kuibva, isa munyu wakafanira wobura usavi hwako. Usaise mafuta zvachose.
Munogona kudya mazondo nechero sadza – rechibage, rezviyo, remhunga, remapfunde kana nemupunga. Muto wakakora unogona kunwiwa wakadaro kana kusevesa nesadza.

◆ Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links