Uncategorized

‘Imba inoda kuchenurwa’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

VANAMAZVIKOKOTA vakapa maonero avo pamusoro penyaya yemba yekuMarondera iyo inonzi inongotanga kubvira moto usingaonekwe kwaunobva. Vamwe vanoti zvinokonzerwa nemashiripiti vamwewo vachiti moto uyu unogona kungotanga woga zvichienderana nenzvimbo yacho.

Mbuya Agness Carson, avo vanova godobori kuGweru, vanoti moto uyu unogona kunge uchikonzereswa nemumwe wevakadzi veaive muridzi wemba iyi kana kuti hama dzemushakabvu dziri kuda kutora imba yacho.

“Pakati pevakadzi vaviri ava ndipo panogona kunge paine ari kuunza mhepo yemashiripiti emoto. Moto uyu uri kushandiswa kuvhundutsira vanhu kuti vasagara pamba apa.

“Panogona zvakare kuita munhu ari kuda kutora chaasina kushandira, izvi zvinonyanyoitwa nevehukama vanenge vachida kutora imba yehama yavo’’’vakadaro Mbuya Carson. Madzibaba Chamunorwa Kadohwata (30) vanotiwo zvichida aive muridzi wemba iyi anogona kunge aine mushonga yaakabata yekuromba, iyo iri kukonzera mashiripiti aya. “Kusagara kuri kuita mukadzi mudiki pamba apa kune chekuita nemishonga yakabatwa, inoita kuti asagarapo, ade kutora mari yemaroja asiri pamba apa. Muridzi weimba iyi anogona kunge aine mishonga yaaishandisa iyo yaakasiya asina kuudza hama dzake. Imwe nyanzvi yezvekudzimura moto, VaKambanje Chimbo avo vanoshandira kambani yeAllied Fires, vanoti moto unogona kutanga woga zvichienderana nemamiriro akaita nzvimbo yawatangira nezvinhu zviripo. “Panzvimbo pakaita peturu kana gas pedyo panogona kutanga moto zvichikonzereswa nekupisa kwakanyanya. Moto mizhinji inoitika mudzimba tinokwanisa kuidzima uye mishoma yatinotadza. Inowanzotinetsa kudzima ndeyemheni kana iya inenge iri mihombe,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>