Imboravira bota remauyu

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Imboravira bota remauyu Bota remauyu

Kwayedza

BOTA rinogadzirwa nemauyu manyautsa mukanwa chaiwo sezvo richipa simba nekuvaka muviri uye mumauyu tinowana iron iyo inosimbisa mabhonzo.

Svondo rino Sarah Chekero wekuZaka anodonongodza mamwe mabikirwo ebota remauyu.

Zvinodiwa:

Chikari, huni, mauyu, sefa, shuga nemvura yakachena.

Mabikiro:

Nyika mhodzi dzemauyu mumvura inopisa. Mushure memaminitsi gumi chikuna mvura yacho uchirasa mhodzi. Kuna kana kuti mimina uchishandisa jira rakachena kana nesefa.

Tora mvura iya uise muchikari.

Gadza pamoto wehuni kana marasha woisa twuupfu twushoma kuti zvikwanise kukwata zvakanaka.

Isa shuga yakaringana wosiya zvichikwata kwemaminitsi gumi.

Wozodii?

Chibura udye nemhuri. Bota remauyu rinogona kuiswa dovi kana majarini, isarudzo yako.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links