Imboravira tsambarafuta

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Imboravira tsambarafuta Tsambarafuta

Kwayedza

USAVI hwetsambarafuta – tunova tupukanana tunobuda muvhu, kunyanya pachuru panotanga mwaka weZhizha – kudya kunonaka uye kune mapuroteni akawanda.

Svondo rino Mai Getrude Bhusvumani vekuChiredzi vanotirondedzera mamwe mabikirwo etsambarafuta.

Zvinodiwa:

Tsambarafuta, munyu, mvura, pani, chipunu nemafuta

Mabikiro:

Bvisa makushe kana kuti mambava patsambarafuta wodzigeza mumvura yakachena.

Isa twumafuta twushoma mupani wokanga.

Isa munyu wakaringana, kanga kusvika dzatsvukira.

Unogona kuisa mhiripiri kana uchiida.

Tsambarafuta dzinodyiwa nesadza kana kuti dzakadaro.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti: +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links