IMBWA HAIHUKURE SADZA: Tambu akabva afenda

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
IMBWA HAIHUKURE SADZA: Tambu akabva afenda VADOBIAH Manjinjiwa vachitaridza imwe yedzimba dziri kutizwa nevadzidzsi vepaKebvunde Primary School

Kwayedza

VABEREKI, tsvagirai vana venyu nzvimbo dzechikoro munzvimbo dzamunogara, kuti vasabve kumba kunze kwakati tsvaa vogodzoka zvakare kwakati tsvaa. Musaendese vana kuzvikoro zviri kure,  kwavanofamba mitunhu yakareba kana kukwira makombi, mota nemabhazi zvekuti vanosvika kuchikoro vaneta.

Musafunge kuti mwana akakwira kombi achienda kuchikoro chiri kure ndizvo zvichamupa dzidzo yepamusoro.

Ichocho chikoro chiri pedyo chakanaka. Kune vana vakadzidza kuzvikoro zvaive muchakasara, asi vakapasa vakatozove vanhu vane mukurumbira.

Rimwe zuva Tambu akanga achifamba achienda kuchikoro mangwanani-ngwanani. Chikoro chake chaive kure kwazvo nekumba kwavo. Saka aitoda kuti amukire kuti agokwanisa kufamba mutunhu wakareba. Achifamba zvake kudaro, Tambu akanga achifunga homuweki yemetsi yaakanga asina kukwanisa kuita paakasvika kumba nezuro wacho.

Tambu akanga asvika kumba akawana kwauya vaenzi. Amai vake vakabva vamuti avabatsire kugadzirira vaenzi zvekudya pamwe chete nekuita rimwe basa. Saka pakupedzisira nguva yehomuweki yakabva yashaikwa nekuti pakazoenda vaenzi,  Tambu akanga aneta, uye ave nehope.

Saka pamangwanani aya paakanga achienda kuchikoro, chakanga chichitambudza pfungwa dzake nditicha vemetsi vaaiziva kuti vaipenga zvikuru nekuda kwevanhu vasingaite basa ravo rechikoro. Achifamba zvake kudaro ari parutivi pemugwagwa, kabhegi kake kakanyatsoti kwati kumusana kwake kunge kamwana kakaberekwa namai vako kari kunzwa chando, Tambu akasimudza musoro achiti pamwe achaona Samantha, mumwe musikana waaimbofambidzana naye kuenda kuchikoro. Asi haana kuona munhu ane yunifomu yekuchikoro kwavo.

Saka, kuti azvivaraidze, uye kuti asaone kureba kwerwendo rwekuenda kuchikoro, Tambu akatanga kuimba chimbo chekuchechi,“Mwari muri zuva redu . . . rinopenya . . .”

Achiedza kufambisa kudaro, Tambu akangoerekana pamberi pake pamira mota yakanaka yaityairwa nemukadzi mutsvuku akapfeka magirazi ezuva matema. Nekuda kwemagirazi aive kumeso kwake, mhuno yemukadzi uyu yaiita kunge kabundu. Miromo yake yaive yakati piriviri neripistiki kunge shumba yanga ichidya nyama. Mukadzi uyu akaburitsa musoro nepahwindo remota yake akati kuna Tambu, “Iwe musikana, huya tiende. Ndiri kuenda kunosiya mwana wangu kuchikoro kwenyu ikoko.”

Tambu akanzwa kufara zvikuru, akati Mwari wangu mandibvira nepi. Zvechokwadi akaona mukati memota kuchigaro chemberi kwakagara mukomana akapfeka yunifomu yekuchikoro kwake. Tambu haana kuzombomira, akabva amhanya ndokunovhura musiwo wemota ndokupinda achibva agara kumashure. Akabva ati, “Maita zvenyu mhamha.”

Mota yakabva yasimudzwa kunge hwiza iri kusvetuka kuti ibhururuke. Tambu akashama nyai achiteerera hutepfetepfe nekunhuhwirira kwaive mumota umu. Akabva ati rega ndicherechedze mukomana wekuchikoro kwangu akagara kumberi kwemota ndione kana ndichimuziva. Paakatarisisa, hana yake ndipo payakabva yati bha! Munhu akanga akagara kumberi kwemota uyu akanga asiri mukomana, asi baba vatokura vane ndebvu dzave kutochena uye vaine zimhanza. Tambu akaridza mhere, asi baba vaye vaive vakapfeka yunifomu, pamwe chete nemukadzi aidhiraivha mota vakabva vaseka vachirovana mawoko.

Tambu akabva afenda. Unofunga kuti chii chakazoitika?

Share This:

Sponsored Links