Imbwa inonzi Tsamwauputike

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Imbwa inonzi Tsamwauputike

Kwayedza

dog

ISU vanhu vemuZimbabwe tinonzi nevanhu vemamwe marudzi tinoda runyararo. Vanhu vanoti hatisi vanhu vehondo. Asi vanodaro nekuti havanyatsotiziva. Tinonyengedza zvikuru. Kana ukatarisa mazita anopihwa imbwa nevanhu kumusha, ndipo paunoona kuti vanhu vane hasha nezvigumbu zvisingaite. Chiripo ndechekuti kana munhu akatumidza imbwa zita, anenge awana mukana wekurova madzoserwa pane chimwe chinhu chakamusvota kana kumurwadza. Anotumidza imbwa zita rinoita kuti nyangwe panga pachifanirwa kuita mukana wekutaurirana nekuregererana, kuvengana kubva kwanyatsotumbuka muchekechera.

Ndakanzwa imbwa dzine mazita anoratidza kuti kune vamwe vanhu, hakuna nguva yekurasa, asi nguva yekuchengeta chete. Haano mamwe mazita embwa ekuti kuvengana kurambe kuripo uye kuchiwedzera nguva dzese dzinoshevedzwa imbwa nezita rekudenha.
Zvitarise – hunhu hwako hahuite, saka imbozvitarisawo kuti uri munhu here kana kuti imbwa.

Tsamwauputike – handimbokumbira ruregerero nekuti ndiri kutoda kuti utsamwe kusvika pekupedzisira.
Dakanehama – handiwirirane nehama dzangu, ndakadzivenga uye ndiri kutozvipembedza kubudikidza nezita rembwa yangu.
Zvomoendoko – tinokuzivai kuti kana mukaenda ikoko kwamaenda muchanotaura nekuita zvinhu zvisingaite. Saka zvibatei.

Muchatuta – hatigarisane nevanhu vakaita semi, muchatotama chete mubve isu tigosara tichinzwa mhepo.
Remandini – Ita zvako zvese zvaunoita nekuti ndiwe wakangwara, uye ini ndini fuza.

Nguva zhinji kana pachinge pafiwa, tinowanzonzwa mashoko ekuna Muparidzi anoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.” Mashoko iwaya anopfuurira mberi oti, “Nguva yekuchengeta, nenguva yekurasa.”

Zvazvinoreva ndezvekuti, nguva yechinhu kana yapfuura haufanire kuramba kuti yapfuura. Kana wakatenga mota gore rakapera, hatingarambe tichingokuti makorokoto pese patinokuona, nekuti nguva yacho yakapfuura. Uyewo, haungati ndinokuda panguva yauri kufanirwa kupindura mubvunzo wekuti unonzi ani?

Saka shoko rimwe nerimwe rine nzvimbo nenguva yarinofambirana naro.
Asi, pane vanhu vane tsika yekuti mashoko anga achifanira kutaurwa nenguva yawo, uye panzvimbo yakakodzera azobuda nenguva isiriyo. Vanhu ivavo havakwanise kuziva kuti iko zvino ndinofanirwa kuchengeta mashoko aya, nekuti pandiri hapasi ipo pekuti ndiataure. Havazivewo nguva yekurasa.

Pakugarisana kwedu, kune vanhu vakaunganidza zvigumbu nezvinhu zvakaipa zvavakaitirwa nevamwe vanhu kare-kare. Zvigumbu izvozvo, pamwe chete nezvakaipa zvavakaitirwa vakazvisungirira kumusana semwana, uye vanotopota vachizvisvusvudzira pamwe chete nekuzviburutsa kuti vazvipe mukaka. Kana zvanwa mukaka zvikaguta, vanobva vazvibereka kumusana zvakare, nekuti havagone kusiyana nazvo, nyangwe zvazvo chinhu chakakonzera kuti chigumbu ichocho chivepo chakapfuura kare-kare.

Izvozvi pane mumwe akazvimbirwa nekurambwa kwaakaitwa makore mashanu akapfuura. Mumwe achakachengeta shoko rakataurwa nemunhu akatofa kare-kare. Nguva zhinji ndinoona madzimai vachifarira chiRungu chekuti, “I forgive but I don’t forget.” Izvozvo zvinoratidza kusaziva kuti pane nguva yekumbundira, nenguva yekuregedza.

Kana ukasaregedza zvimwe zvinhu muhupenyu, zvinogona kukuyeredza kana kuti zvinokukakatira pasi ukan’yura. Muhupenyu hwedu, kune vakarodza penzura dzekunyoresa zvigumbu, uye vanhu ivavo havanete kuramba vachirodza penzura dzezvigumbu kusvikira vave kurodza zvigunwe zvavo vachinyora zvigumbu neropa.

ignatius mabasa [[email protected]]

Share This:

Sponsored Links