Uncategorized

Imbwa yakapfeka sutu

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

KUNE vazhinji vanoti kana vakaverenga musoro webhuku rangu voshamisika kuti ndaida kumboti kudii pandakanga ndichiti “Imbwa Yemunhu”. Imbwa yemunhu ienzaniso kana kuti “metaphor” pachiRungu. Hunhu hwembwa hukawanikwa huri mumunhu, kana kuti mweya wembwa ukawanikwa uri mumunhu pane nyaya. Munhu awanikwa aine hunhu kana mweya wembwa, haanzwe kugamuchirwa kana kugamuchirika pane vamwe. Chikonzero chiri chekuti, imbwa imhuka inogara nevanhu, asi imhuka inoshorwa kwazvo.

Imbwa ine zvinhu zvizhinji zvainoita zvinoita kuti ishorwe zvakaita seizvi:
(i) Imbwa inodzokera kunodya marutsi ayo
(ii) Imbwa inoba (imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo)
(iii) Imbwa hainyare, inogona kuita zvinonyadzisira pakazara vanhu.
(iv) Inogona kupihwa zita rekutukisa mumwe munhu wawakavenga (Mahwinhei, Makuhwa, Majaira)
(v) Inongofamba-famba ichienda kwainoda zvekuti inogona kupinda nemunzvimbo dzisingabvumirwe imbwa, igosiya yaitira weti kana tsvina imomo.
(vi) Kana imbwa isina kudzidziswa, inoruma huku kana vanhu vepamba payo
(vii) Imbwa inogona kutama musha ichitevera hadzi

Bhuku rangu ibhuku remweya wemunhu uri kutsvaga kunzwisisa hupenyu. Bhuku rangu ibhuku rekukungura. Kukungura nguva nemikana yakauya ikapfuura. Nguva nemikana zvakatambiswa.

Imbwa Yemunhu ibhuku remweya wemunhu uri kuziva kuti zvauri, nepauri hazvisizvo zvazvinofanira kunge zviri. Bhuku iri kureurura, bhuku iri imharidzo, bhuku iri kutiza pamwe chete nekuwana Mwari. Ibhuku rekuvarairwa kwevanhu nezvinovaraidza. Ibhuku rehumbwa nehupenzi. Ibhuku rekutsvaga nekushaya rudo. Ibhuku riri kubvunza kuti saka chacho chamunoti rudo chii, chiri kupi, chinowanikwa nevakaita sei, kana vachiwana vozodii nacho?

Imbwa yemunhu ibhuku riri kubvunza chechi kuti ichiri chechi yaJesu here kana kuti yembwa. Ibhuku riri kutaura nezvemunhu ari kuvharirwa kunze kwechechi kuti asawane ruponeso nevanhu vari muchechi. Imbwa yemunhu, ibhuku remunhu ari kuchemera kugamuchirwa nekusunungurwa. Ibhuku resarudzo dzatinoita muhupenyu, pamwe chete nezvinoreva sarudzo idzodzo.

Musoro webhuku rangu unobva muBhaibheri. Mwanakomana waJonathan akaremara anoti baba nasekuru vake Sauro vakanga vari mambo vafa, anoziva kuti hapasisina chake nekuti hushe hwapera, uye kwave namambo mutsva anonzi David. Saka nekutya kuti sekuru vake Sauro vakatambudza David zvikuru uye vakada kumuuraya kakawanda, anotizira kune imwe nzvimbo inonhuhwa nhamo inorutsisa. Ikoko hakugare vasina kushinga. Nekuda kwekuti akaremara makumbo, haagone kufamba, anotovimba nemubatsiri. Kunzvimbo yaave kugara uku, inzvimbo yekuti unenge wangomirira zuva rekufa nekuti hakuna chiriko chinokupa tariro. Kunokundwa nyangwe nevari mujeri vane tariro yekuti rimwe zuva vachazosunungurwa kana kuregererwa vakabuda. Ikoko ndiko kwaanotumirwa nhume namambo David kuti abveko achinogara mumuzinda wamambo achidya namambo mazuva ese.

Mukomana uyu anonzi Mefibhosheti, anoti kuna David, “Ndiri chiiko zvamakarangarira imbwa yakafa seni.” Mefibhosheti anotora hurema hwake pamwe chete nezvakaipa zvakaitirwa David naSauro sezvinhu zvisingakodzere kuti “imbwa yemunhu” ipinde mumuzinda wamambo.
Saka Imbwa Yemunhu inyaya yekudzoserwa panzvimbo yakanaka yawakanga uinayo. Unogona zvako kuramba uri chirema, asi uri chirema chiri kudya namambo, chichigara mumba mamambo, chichitaura namambo iko kunze kuine vazhinji vanenge vachitarisa muzinda wamambo vachinetseka kuti mukati macho makamboita sei, munodyiwei. Imomo ndimo mazopindwa nembwa yemunhu!

[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey