Uncategorized

‘Imhosva kuonerera amai nekuvabata nechikomba’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kana mwana akaona amai vake vaine chikomba haana mvumo kana kodzero yekuvabvunza.
Vanoti kana mwana akabatikidza amai vake vachisasana nechikomba, haatenderwe kana kuzviti bufu kuna baba vake kana kuudzawo vamwe vanhu sezvo kuita izvi kuchitori kuporomora mhosva yengozi kana kuzova nemunyama.
Izvi zvinotevera nyaya yekakomana kekuMiddle Sabi, kuManicaland, ako kari kunzi kakarova amai vako, ndokuvadzingirira vasina chipfeko chemukati mushure mekunge avabatikidza vaine chikomba chinonzi Mbwetete musango.
Votaura nezvenyaya iyi, Sekuru Charles Makwiyana Ndunge (88) vekuSouth Downs, kuChipinge, vanoti kunyange amai vakaita chipfambi cherudzi rwupi, mwana haakwanise kuzvireva kana kuvatsiudza.
“Amai havasi shamwari yako, kuvati amai muri pfambi watopara ngozi. Kana kuvawana vakagara beya haubvumirwe kuvati amai garai zvakanaka. Ukavawana vachiita bonde, tiza usamboonekwa zvachose.
“Iye mukomana uyu pamwe munhu iyeye waanoti chikomba chaamai ndiye baba vake chaivo, anozviziva sei? Nekuti amai ndivo n’anga inoziva chokwadi,” vanodaro.
Vanoti mwanakakomana uyu anotofanirwa kuenda kumadzisekuru onokumbira ruregerero, oripa amai vake.
Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde (50) vekuMt Darwin. “Mwana uyu akapara ngozi huru. Angadai akatiza paakaona amai vake vachisasana nechikomba. Ukatoona zvakadaro, verera amai vasakuone,” vanodaro.
Mbuya Callister Magorimbo (51) vekuDzivaresekwa Extension, muHarare, vanotiwo kunanga amai chipfambi imhosva.
“Nyaya iyi inotyisa, amai ava vakafa vasina kuripwa mweya wavo uchadzokera mwana uyu. Pachivanhu unotonzi ndiwe mwana warara naami vako nekungotaura, zvino uyu akatovarova . . . ingozi,” vanodaro.
Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti imhosva yakaparwa nemwana uyu.
“Kunyange uchitoziva, hauna mvumo yekuudza amai kuti muri pfambi. Zvino uyu akatovatevera kusango uko vaisasana nechikomba chavo, achazvionera. Achatanda botso. Uku ndiko kunonzi kuonerera amai. Chikomba chaamai hachirohwe, unetenge warova ivo,” vanodaro.
Asi Fatso Cryson Marova (40) wekuMbare anoti hapana chinoshamisa kuti arwe shanje dzababa vake kana amai vachiita chipfambi.
“Kurega baba vangu vachitorerwa mukadzi nechikomba ini ndiripo? Saka tichinzi vana vakomana ndisu vanababa pamusha. Zvino kana ndorega musha uchipinda nhiriri ndiripo ndiko kuti kudii?
“Hatimbotii baba vangu vachishandira kunze vosvikowana pamba pave kugara chimwe chikomba, ndinochirikita zvekuchibvisa mazino naamai vacho ndinovadzinga voenda zvavo. Handisiye musha wababa vangu uchiparara ndakayeva,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links