Uncategorized

Imi, ibvai ndipinde mhani

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA
MUKUWASHA wangu akafa svondo rakapera. Takanga tisingatarisire kuti angafe nekuti akanga aitwa oparesheni yegumbo, uye akatodzoka kubva kunovhiyiwa pasina dambudziko. Asi mushure memazuva maviri, akangotanga kudzikira zvekuti akabva abviswa kuwadhi kwaakanga ari achiendeswa kuIntensive Care Unit kunenge kuine varwere vari kurwarisisa uye vanoda kugara vachitariswa nguva nenguva nana mukoti.

Asi asati azofa, mukuwasha wangu akanga achitaura nevanhu vatakanga tisingaone. Akanga achiti, “Imi, ibvai ndipinde mhani. Muri kundirambidzirei kupinda? Ndiri kuda kupinda mhani. Ndisiyei ndipinde, ndiende.”

Mashoko aya anoratidza kuti mweya wemunhu unofamba rwendo, asi rwekuenda kupi? Ko kana vanhu vafa chiiko chinoitika kwavari?

Chinorwadza ndechekuti isu vapenyu hatigone kuzotaura nemunhu afa, asi tinosara tichiziva kuti munhu uyu pane kwaaenda, asi ikoko hakuendwe nenyama. Ikoko kune kurwiswa, nekurwisana.

Kana mukoma wangu akafa makore mashoma apfuura akadarowo. Asati afa, takawana achirwa nevanhu vatisingaone. Isu takanga tave kutoti munhu afa, asi ndipo paakazongoti bengenu, ndokutanga kutaura.

Chaakanga achitaura ndechekuti pane vanhu vaimushevedza vari mhiri kwerwizi. Asi vanhu ava vakanga vakapfeka nhembe, uye vari vechinyakare. Asi iye akanga achiona kuti kwavakanga vari kwakanga kuine rima guru kwazvo raityisa. Saka akati nharo dzakanga dziripo pakati pake nevanhu ava dzaive dzekuti aende kunoita mumwe wavo.

Izvi zvinondifungisa nyaya yakaudzwa John Wesley muna1746. Zvinonzi, paive nemusikana aive nemakore gumi ekuberekwa. Musikana uyu akanga ari mutano, asina kana hurwere. Asi rimwe zuva nenguva dza6 mangwanani paakanga ave kumuka, uye achinamata nechemumwoyo, akangoerekana ave kudedera zvinotyisa kwazvo. Ipapo ipapo, akabva atadza kutaura. Mushure mekanguva kadiki, achibva ave matsi, ndokubva atoita bofu zvakare.

Amai vake vakakurumidza kushevedza vamwe amai vekuchikoro kwemwana uyu vaigara pedyo navo. Ukuwo baba vake vachishevedza chiremba wavaive vakavakidzana naye. Murume uyu akasvika akashenashena, asi akati anyatsotarisisa, achibva ati, “Hapana zvazvichabatsira, mwana uyu afa.”

Asi nguva dzave kuma12 masikati, mwana uye akatanga kupfakanyika, achibva asvinura. Iyi ndiyo nyaya yaakataura paakamuka:

“Pandakanga ndafa, ndakangoerekana ndave munzvimbo inosuwisa zvikuru, ine minzwa, makomba nemakoronga. Ndakanga ndichitadza kufamba zvakanaka munzvimbo iyi. Ndakanga ndisingazive kuti ndoenda kupi kwacho, mberi kana kumashure. Nzvimbo iyi yakanga ine rima, chiedza chaive chishoma-shoma zvekuti ndaisanyatsoona zvinhu zvaive mberi kwangu.

“Ndakanga ndichichema sendichaita mabayo. Pakabva pasvika mumwe murume akanditi, ‘Uri kuenda kupi nhai mwana iwe?’

“Ndakapindura kuti handizive kwandiri kuenda. Achibva ati, ‘Uri kudei?’

“Ndakapindura ndikati, ‘Ndiri kuda kuti Kristu andichengete.’

“Iye akati, ‘Unonzi ani?’

“Ndakamuudza rimwe zita, asi risiri zita rangu, uye randisati ndambonzwawo ini pachangu. Akabva ati, ‘Ndiwe mwana wandatumwa kuzotora. Unofanirwa kuenda neni.’ “Paakanga achitaura, rima rakatanga kutaramuka.

“Takafamba tese kusvika tasvika pakagedhi kaive pamudhuri. Murume uye akabva apinda, achibva anditi ndimbomira zvishoma. Ndakamira kwemaminetsi anenge manomwe. Ndakabva ndaona hembe dzake. Dzaisvika kutsoka chaiko, uye dzakanga dzakachena, dzichipenya.

“Akauya akapfugama achinamata. Munamato waakaita hauna kufanana neminamato yedu pano pasi. Apedza kunamata, akabva ati, ‘Handei.’

Share This:

Sponsored Links