Imire yakapa vana mabhasikoro 200

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KAMBANI inochengeta mhuka, yeImire Game Park, iyo inowanikwa kuMarondera nekuHwedza, kudunhu reMashonaland East, iri kutendwa nekuwanisa kwairi kuita vana vechikoro vanobva kure mabhasikoro senzira yekuti vakwanise kufamba zviri nyore kuenda nekudzoka kuchikoro.

Vamwe vevakawaniswa rubatsiro urwu vana vepaNhumwe Secondary School, kuwadhi 2 yekuHwedza, avo vakapihwa mabhasikoro anodarika 200 nguva pfupi yadarika.

Kanzura wewadhi 2, VaBetter Choto, vanotenda nerubatsiro urwu vachiti rwauya panguva yakakodzera sezvo vamwe vana vanga vachitadza kusvika kuchikoro nekuda kwemitunhu mirefu yavanofamba.

“Chikoro ichi chimwe chete chesekondari chiri pakati pemugwagwa unobva kuMarondera kuenda kuHwedza nepakati, icho vana vose vari mumapurazi nenzvimbo dzakagariswa vanhu patsva vanopinda,” vanodaro.

Kanzura Choto vanoti Nhumwe Secondary inowanikwa munzvimbo yeHwedza Watershed East uye vana vanobva kure vanokwanisa kufamba mitunhu iri pakati pemakiromita 40 kusvika 50 pazuva kuenda nekudzoka kuchikoro.

“Tinotenda zvikuru veImire Game Park kuburikidza nechikamu chavo cheRhino Group icho chakatitengera mabhasikoro aya. Pachikoro chimwe chete ichi takatenga gwenya (generator) kuti vana vakwanise kushandisa makombiyuta. Pamusoro pezvo, tikavakira vadzidzisi dzimba pachikoro chine Form 1 kusvika 4 ichi,” vanodaro.

“Vana vanodzidza apa vanobva kunzvimbo dzinosanganisira Karimazondo, Dadley, Karimba,

Ruvare Range, Peter Falosi nedzimwe dziri kure uye vanosvika kuchikoro vaneta nekuzodzoka kumba husiku.”

Vanoti rimwe dambudziko ravakatarisana naro kuipa kwemazambuko enzizi ayo mazhinji acho akaderera zvikuru zvichiita kuti apote achizara mvura zvokonzerawo kuti vana vechikoro vatadze kuyambuka.

“Zambuko repaBath Bridge remurwizi Sengezi rakagadziriswa nechikonzero chekuti vana vakwanise kuyambuka zvakanaka pamwe chete nemotokari. Tine zvimwe zvikoro zvatiri kubatsira mune zvakasiyana, kusanganisira Chizungu Primary apo takavaka dzimba shanu dzevadzidzisi nepaBilton Primary patakavakawo imba yeECD,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>