Uncategorized

Ini ndinochipisa mbavha – N’anga

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Ini ndinochipisa mbavha – N’anga MBUYA Efrida Meja vachiratidza mushonga unonzi “chimuti” uyo vanoti ndiwo musimboti webasa ravo. - Mifananidzo: Memory Mangombe

Kwayedza

MBUYA Efrida Meja vachiratidza mushonga unonzi “chimuti” uyo vanoti ndiwo musimboti webasa ravo. - Mifananidzo: Memory Mangombe

MBUYA Efrida Meja vachiratidza mushonga unonzi “chimuti” uyo vanoti ndiwo musimboti webasa ravo. – Mifananidzo: Memory Mangombe

PANE imwe n’anga yemuHarare iyo isingambotenderera kana yotaura mabasa ayo. Inoti kana pari pakushandisa mishonga yevanoba, harisi dambudziko nekuti “mbavha ndinodzigadzira”.

N’anga yekuMufakose iyi yakaudza Kwayedza svondo rapera kuti ine mishonga “inoyanika” mbavha pachena nyakubirwa achitoiona zvose nemaparirwo akaitwa mhosva.

Mbuya Efrida Meja vanoti vane mamwe masimba anototyisa, sekukwanisa kupfuudza munhu, asi havaashandise sezvo zvisingatenderwe nemitemo yesangano ravanoshanda vari pasi paro, reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha).

“Zvimwe zvakadai sekutamba neropa pamwe nekupfuudza munhu simba racho ndinaro uye mishonga yacho ndinoiziva, yekuitisa munhu raki kana kudzosera chitema zvekuti mbavha kana muroyi anofa. Asi handishandise simba iri nekuti hazvitenderwi neveZinatha kunova ndiko kwandakanyoresa, saka handizviite,” vakadaro Mbuya Meja.

Vanoti vane simba rekutaura nezvidhoma pamwe nekuzviita kuti zvidzokere kumuridzi wazvo nekuita kuti munhu ane mudzimu wakasungwa usvike.

Mbuya Meja, avo vanova chizvarwa chekuZambia, vanoti vabatsira vanhu vakawanda vachishandisa nzira yavanofumura nayo mbavha.

Mbuya Meja, avo vanovezve mukuru wesangano rezvigure rinonzi Zimbabwe National Traditional Dancers Association, vanoti vane mishonga yakaita sewekuti munhu akwanise kuona munhu akamubira uye maitikiro azvinenge zvakaita, mifananidzo ichitobuda pamadziro emba anoita segirazi.

“Pano handiite zvedambe, ndinongoshandisa reza, mvura yemurwizi nefodya,” vakadaro Mbuya Meja.

Vanoti kana munhu achinge anobatsirwa dambudziko rakaita sekubirwa, vanomunwisa mushonga apo anozoona “pagirazi” ravo munhu anenge akamubira nezvose zvinenge zvakaitika.

Ravanoti girazi iri madziro akapendwa tumabhokisi tushanu neruvara rwuchena apo munhu anonzi anotarisa paanenge achida obva atanga kuona zvinenge zvichienderana nedambudziko raanenge afambira. Vanoti vanosvikirwa nemudzimu wenjuzu asi nokuda kwekuti unotaura chiChewa chakadzama, vanhu vavanogarisana navo havanzwi chirudzi ichi izvo zvinoita kuti vasashande nemudzimu nguva zhinji.

“Mudzimu wangu wenjuzu ndiwo unogezesa varwere, tinopinda mumadziva makuru apo ndinonopihwa mishonga nenjuzu pasi pemvura. Tinoita izvi paine vanenge vachiimba nekuridza ngoma sezviya zvinoitwa pabira uye vamwe vangu masvikiro vanogona kupindawo pasi pemvura kuti vadzikamise njuzu kuti dzisatore vanhu,” vakadaro Mbuya Meja.

Mbuya ava vanotizve vanobvakachirwa nevanhu vanoita zvechipfambi avo vanenge vachitsvaga mishonga yekukwezva varume.

“Ndinovabatsira uye vanoramba vachidzoka nekuti mishonga yacho inovashandira.”

Pakubatsira vamwe vanhu pane zvinenge zvichivanetsa vanoti dzimwe nguva vanongopa munhu “chimuti” icho anonobatidza ave kumba kwake zvinoita kuti matambudziko aanenge ari kusangana nawo apere.

“Ndinongopa munhu chimuti ndomuti anobatidza ari kumba kwake asi anofanira kutanga asuma midzimu yake otaura zvese zvaari kuda. Hutsi hwegwenzi iroro ndihwo hunotsvaga pane dambudziko hwogadzirisa.”

Vanoti pakushanda kwavo havadeure ropa remunhu sezvo izvi zvisingatenderwe.

Mbuya Meja vanoti vanochera mishonga yavo kunzvimbo dzakadai seLake Chivero, Chinhoyi Caves nekuSamabi.

Sekutaura kwavo, Mbuya Meja vanoti vanobatsira vamwe vane zvinzvimbo muHurumende, vanoshanda kuchipurisa nemuchiuto nemamwe machiremba vanotsvaga simba, anova mashoko asina kuwanikwa humboo hwawo nevatori venhau. Vanotizve pane mamwe mapurisa anoenda kwavari vachinobatsirwa kutsvaga vapari vemhosva.

 

Share This:

Sponsored Links