Iniesta otadza kutamba nekuda kwekukuvara

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

ANDRES Iniesta haasi kuzokwanisa kutambira nyika yake Spain svondo rino mumutambo yayo neFrance neMacedonia zvichitevera kukuvara kwaakaita.
Mutambi uyu ari kutambudzwa neibvi rake izvo zvakamutadzisa kutambira chikwata chake cheBarcelona apo chakasangana neVillarreal svondo radarika uye achange asipo svondo rino kuti atambire nyika yake iyo inorairidzwa naVicente del Bosque.

Del Bosque haana kuda kutsvaga mumwe mutambi anotsiva mutambi uyu, uyo ane makore 30 ekuberekwa, uye acharamba ane vatambi 22 avo vaakadoma svondo radarika, sangano reSpanish Football Federation rakazivisa.

Shasha dzemuEurope idzo dzine mukombe uyu dzichasangana neFrance mumutambo wehushamwari svondo rino vozosangana neMacedonia svondo rinotevera musi weMuvhuro mumutambo wekurwira tikiti remakwishu eEuropean Championships 2016. – Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>