Uncategorized

Ipai Hurumende mukana

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MATANHO ari kutorwa neHurumende yaPresident Mnangagwa mukugadzirisa zvimhingamipinyi zvakatarisana nenyika munyaya dzeupfumi atotanga kuratidza zvibereko zvawo zvinobatika.
Semuenzaniso, nguva pfupi yadarika Hurumende yakavandudza mutemo weStatutory Instrument 122 of 2017 uyo unotendera vanhu vakazvimirira pamwe nevemakambani vane mari dzekunze kuti vakwanise kutenga zvinhu zvakasiyana kunze kwenyika vachizviunza muno.
Danho iri rinotevera kukwira kwakanyanya kwange kwaita mitengo yezvinhu uye kushomeka kwezvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose semafuta ekubikisa, sipo, shuga nezvimwe muzvitoro.
Mapoka akasiyana akatambira nepakasiyana danho iri uye vamwe vemabhizimisi vakagunun’una vachiti kuvandudzwa kwemutemo uyu kunodzosera budiriro yavo kumashure sezvo zvinhu zvavanogadzira nekutengesa zvinenge zvokwikwidzana mitengo nezvinobva kunze.
Asi, Hurumende yakaona zvakakodzera kuti vanhu vakazvimirira nevemakambani vane mari kunze vakwanise kutenga zvinhu zviri kushomeka munyika kubva kunze. Chinangwa chedanho iri kurerutsira veruzhinji.
Nhasi uno zvinhu zvinosanganisira mafuta ekubikisa, shuga nesipo zvave kudzoka mumasherufu ezvitoro kunyangwe zvazvo zvimwe zvacho zviri kutengeswa nemitengo yepamusoro.
Chimwe chiri kushamisa ndechekuti kunyangwe zvimwe zvezvinhu izvi zviri kugadzirwa muno semafuta ekubukisa neshuga, zvave kuwanikwa nyore kusiyana nezvange zvoitika masvondo mashoma apfuura.
Mamiriro ezvinhu aya anoburitsa pachena kuti kune vamwe vezvitoro vange voita wezimunzwa riri mundove kuburikidza nekuviga zvimwe zvinhu izvo vaizoendesa pamusika mutema wemukoto.
Kune avo vemakambani anogadzira zvinhu muno vakange vochema-chema zvichitevera kuvandudzwa kwakaitwa mutemo wekuti vanhu vane mari yekunze vakwanise kuunza zvinhu kubva kunze kwenyika, iyi ndiyo inonzi ndomene haichemedze. Mamwe emakambani anogadzira zvinhu muno ange oita madiro aJojina nekungokwidza mitengo yezvinhu zuva nezuva nekudaro danho rakatorwa neHurumende rinofanira kurumbidzwa zvikuru. Chimwe chiri kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu zvisina tsarukano huwori huri kuitwa nevanotengesa mari yekunze pamusika wemukoto.Naizvozvo tinogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa zvakare neHurumende kutanga svondo rino rekuvandudza mutemo unoranga zvakaomarara vose vachabatwa vachiita mabasa ekutengesa mari yekunze pamusika mutema.
Pasi pemutemo uyu, wose achawanikwa aine mhosva yekutengesa kana kutenga mari yekunze pamusika wemukoto achatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi. Hurumende inofanira kupa muenzaniso panyaya iyi nekuona kuti vose vanoita mabasa ehuwori aya vasungwa uye vatongwa nekunodya refovhoro kuitira kuti vamwe vagotya.
Pasi pemutemo uyu zvakare, vose vane mari dziri mumaakaundi kumabhanga dzisina nhoroondo yakajeka yekuti vakadziwana sei, dzichatorwa neHurumende.
Itariro yevakawanda kuti nyika ino idzokere panguva yakare apo yaive nehuchi nemukaka.
Chinongodiwa bedzi kupa Hurumende mukana wekugadzirisa zvinonetsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>