‘Itai musangano wezvedzidzo’

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
‘Itai musangano wezvedzidzo’

Kwayedza

04092014KWA-MAI-HAR-09MUMIRIRI weMutare South mudare reNational Assembly, Cde Nyasha Chikwinya, vanoti Hurumende inofanira kuita musangano mukuru wechimbi-chimbi wemapoka akasiyana anoona nezvedzidzo munyika nedonzvo rekugadzirisa zvimhingamipinyi zviri muchikamu chefundo zvichitevera kusabudirira zvakanaka kuri kuita vana pabvunzo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reParamende vachiti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinofanira kubvumidza vana kuita zvidzidzo zvepazororo pasina kudziviswa uye zvikoro zvinofanira kupihwa mvumo yekuti zvinyorese bvunzo (entrance tests) kune vanenge vachitsvaga nzvimbo dzeForm 1.

Cde Chikwinya vakati varairidzi vanofanirwa kupihwa zvakare mari yema”incentives”, vachiti izvi zvinoita kuti vafarire basa ravo.

Vakataura mashoko aya zvichitevera matanho akatorwa nebazi redzidzo iri, anosanganisira kuti vana vechikoro vanokwanisa kuita zvidzidzo zvepazororo kwemazuva asingadarike 12 mushure mekunge zvidzidzo izvi zvambomiswa.

Bazi iri rakange rambomiswa kuitwa kwezvidzidzo zvepazororo sezvo vamwe varairidzi nezvikoro vange vozvitora senzira yekuwana nayo mari vachirozva vabereki.

Pamusoro pezvo, bazi iri rakarambidza zvikoro kuti zvinyorese vana vanenge vachitsvaga nzvimbo dzeForm 1 bvunzo, richiti zvikoro zvakawanda zvange zvave kutora mukana uyu kutsvaga mari bedzi, iyo zvakare yakange isiri kushandiswa mukusimudzira fundo.

“Ndinokurudzira kuti Hurumende ironge musangano wechimbi-chimbi wemapoka ose anoona nezvedzidzo nechinangwa chekugadzirisa matambudziko ari muchikamu chedzidzo zvichitevera kufoira kuri kuita vana.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari ngarisarambidza kuti zvidzidzo zvepazoro zviitwe uye zvikoro zvinofanira kubvumidzwa kunyoresa ma”entrance test” kuvana vanenge vachitsvaga nzvimbo dzeForm 1,” vakadaro Cde Chikwinya.

Vakati kumiswa kwakamboitwa zvidzidzo zvepazororo nebazi iri ndiko kwakaita kuti vadzidzi vakanyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council dzemuna Chikumi dzegore rino vakawanda vavo vatadze kubudirira sezvo vasina kuwana mukana wakakura wekugadzirira.

Vakaenderera mberi vachiti kunyangwe zvazvo bazi iri rave kubvumidza kuti vana vachanyora bvunzo gore rino vaite zvidzidzo zvepazororo kwemazuva asingadarike 12, nguva iyi ishoma zvikuru.

Cde Chikwinya vakati zvikoro hazvifanirwe kutarirwa nguva yekuti vana vaite zvidzidzo zvepazororo. Vakati kana dambudziko iri risina kugadziriswa nekuchimbidza richakanganisa zvakare budiriro yevadzidzi vachanyora bvunzo dzeGrade 7 pakupera kwegore rino.

Gurukota rebazi iri, Cde Lazarus Dokora, vakanzi vanofanira kuita misangano nemapoka akasiyana, akaita sevadzidzi, vabereki, varairidzi nemasangano anomirira varairidzi, kuti vanzwe zvichemo zvavo.

“Gurukota iri rinofanira kushanyira mapurovhinzi roita hurukuro nevadzidzi, varairidzi, masangano anomiririra varairidzi nevabereki sezvo izvi zvichiita kuti vawane mazano ekupedza matambudziko akatarisana nechikamu chedzidzo. Nekuti nemamiriro akaita zvinhu aya, ndinoti kugurukota iri vana vanofanira kubudirira mubvunzo dzavo kudarika muna 2013, batai mashoko angu, vana vachanyanya kufoira gore rino ra2014,” vakadaro.

Vachitsigira nhaurwa iyi, mumiriri weMabvuku-Tafara mudare iri, VaJames Maridadi, vakati zvakakosha kuti bazi iri rinzwe zvichemo zvemamwe mapoka anoona nezvefundo.

Vakati nhasi uno Zimbabwe ndiyo iri pamusoro panyaya dzekugona kunyora nekuverenga muAfrica yose nekuda kwekushanda nesimba kweHurumende muchikamu chedzidzo.

Zvisinei, vakati budiriro yefundo iyi inogona kudzikira kana matambudziko akatarisana nechikamu ichi akasagadziriswa nenguva.

Mumiririri weBuhera South mudare iri, Cde Joseph Chinotimba, vakatsinhira vachiti zvinoda mushandirapamwe wemapoka anoona nezvedzidzo mukugarisa zvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo.

Share This:

Sponsored Links