Ivai vana vane hunhu: Nettleton

02 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Ivai vana vane hunhu: Nettleton VaLeo Sungisai Busvumani

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KUGADZWA kunoitwa vana vechikoro kuti vave vatungamiriri vevamwe vavo kuburikidza nezvigaro zvakaita sekuve maprefects kwakakosha zvikuru sezvo iyi iri nzira yekuumba hunhu hwakanaka mavari pamwe negadziriro yekuti vazove vatungamiriri mune ramangwana.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naVaLeo Sungisai Busvumani avo vanova mukuru wechikoro cheNettleton Junior School chiri muHarare pakugadzwa kwemaprefects 58 epachikoro ichi.

“Kugadza vana kuvaita maprefects kunoita kuti vazive kuti vane basa guru rekuchengetedza mirawo yepachikoro uye vachishanda kuderedza misikanzwa kubva kune vamwe vana. Iko kungoti vagadzwa pachiitwa mhemberero kudai mucherechedzo wekuti vaone kukosha kwavo pamwe chete nekuti vashande nesimba mukubatsirana nevarairidzi kuchengetedza hunhu hwakanaka pachikoro,” vanodaro.

Maprefects matsva ayo akagadzwa pachikoro cheNettleton Junior School.

“Maprefects anofanira kupa mucherechedzo wehunhu hwakanaka kune vamwe vana vechikoro. Vanofanirawo kugona kutaura nevamwe vana nevarairidzi.

“Kuva prefect hausi mukana wekubata vamwe vana vechikoro nekuseri kweruwoko kana kuita hutsinye, kwete. Tinotarisira kuti vana vatagadza ava vachashandawo nesimba mukudzidza kwavo vachigona zvose muchikoro nezvimwe zvinoitwa pachikoro zvakafanana nemitambo.”

VaBusvumani vanoti kupera kwegore vachapa mibairo kune maprefects anenge aita basa nemazvo kudarika vamwe. Vanotizve vanosarudza vana kuivaita maprefects kubva paGrade 6 ne7.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>