Uncategorized

Ivhu harisi revauyi: President

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Ivhu harisi revauyi: President

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe, vanoti vanofara zvikuru kuti pari zvino chikamu chevhu chakakura chave mumawoko evanhu vatema uye harife rakadzokera zvakare kuvauyi.

President Mugabe vakataura mashoko aya muhurukuro yavakaita nenhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation (ZBC) pakusvitsa kwavo makore 93 okuberekwa nemusi weChipiri svondo rino.

Vanoti Hurumende ichiri kuenderera mberi nekupa veruzhinji ivhu uye mapurazi ayo kare aimbove evachena nhasi uno ave evatema.

“Hongu, ndinoda kuti nditi tiri kuramba tichipa vanhu ivhu uye chikamu chikuru chevhu, icho chaimbove mumawoko evachena, iye zvino chave nevanhu vedu uye zvave kwatiri kuti tione kuti izvi hazvife zvakashandurwa. Kuti avo vakapihwa minda vanoramba vanayo, voishandisa, vorima zvakanaka uye zvine pundutso,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti panyaya yekugova ivhu kune veruzhinji, vakazadzikisa zvimwe zvakarwirwa muhondo yekusunungura Zimbabwe kubva pasi pehutongi hwehudzvanyiriri hwemabhunu.

“Ndinoda kuti nditi zvamaida kuti ndiite ndakaita uye mune zvakanaka. Uye chinangwa chedu pakutanga chakaita kuti tirwe muhondo yekusunungura nyika ino kuti ivhu raive ratorwa nevauyi ringe richidzorerwa kuvanhu vatema. Asi kwete izvozvo zvoga, asi kuti ridzivirirwe, richengetedzwe uye risafe rakadzokera mumawoko evauyi zvakare. Ndinovimba kuti ndizvo zvatakaita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti chishuwo chavo chekuti upfumi hwenyika hunge huchisimukira veruzhinji vawane mabasa ekuita asi zvakakosha kuziva kuti izvi hazviitike nenguva pfupi-pfupi.

“Sekuziva kwenyu, izvi zvinotora nguva apo tinovandudza chikamu chimwe nechimwe cheupfumi hwenyika kuitira kuti pazove nemabasa. Tichavandudza upfumi hwenyika zvichienderana nechirongwa chedu cheZim-Asset,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti kuvandudzwa kunenge kuchiitwa upfumi hwenyika nekufamba kwenguva, zvinoitawo kuti mabasa ekuita ange achivepo.

President Mugabe vanoti zvakakoshawo kuziva kuti kuti musimboti wekusimudzira indasitiri munyika unobva pazvicherwa, kurima pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika.

Vanotizve chishuwo cheHurumende ndechekusimudzira veruzhinji kuti vakwanise kuzvishandira mumabhindauko akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>